LOADING

Type to search

Nehanda Guardian Provincial Newspapers

Otumirwa nhunzi nemasvosve muimba yekurara

Share

CONCESSION – MUMWE mudzimai wekuHighwood kuConcession, Ellen Mukwambo,
ane makore makumi matatu nematatu ekuberekwa(33), akaigochera pautsi mushure
mekutora murume wemuridzi kuita wake apo akungotumirwa masvosve pamwe
nenhunzi muimba yake yekurara.

Tupukanana utwu zvinofungidzirwa kuti turi kutumirwa nemukadzi, muridzi wemurume
waari kuita naye nyaya dzerudo.

Vakuru vakati hutaurirwa hunyimwa mbare dzokumusana apo vagari wekuHighwood
kuConcession vaneta kuona masvosve pamwe nenhunzi pamba paEllen Mukwambo,
uyo akatora murume waShelter Chipendo ndokutanga kugara naye.

Zvinonzi masvondo matatu adarika Shelter Chipendo akanyangira murume wake
Shepard Karedza munguva dzekumanheru uyo akange asingarare pamba kwemazuva
akawanda ndokumuwana akavharirwa mumba naEllen Mukwambo.

Zvadaro pakaita mvongamupopoto iyo yakazopera nekurwisana kwemadzimai maviri
aya.

Mushure mebopoto, Shepard Karedza akabva aramba kudzokera kumba kwake
ndokutanga kugara pamba pemukadzi uyu kusvika iye zvino.

Mukadzi waShepard Karedza akazodzokera kumba kwake kuDandamera mu
Concession zvekare apo misodzi iri pamatama. Mudzimai waShepard Karedza
akazovimbisa kuita imwe hondo nevaviri ava, asi haana kududzira mhando yehondo
yacho.

Naizvozvo nemusi weChishanu svondo radarika pamba paEllen Mukwambo kunyanya
mumba maanorara makazara masvosve nenhunzi uye muchinhuhwa kuita kunge mune
chinhu chakaora kusvika nanhasi uno.

Zviri kuitika pamba pano zvakaoma. Mumba mangu mandinorara umu makazara
masvosve pamwe nenhunzi zvekutoti handirare nekurumwa- rumwa," akadaro Ellen
Mukwambo.

Nyangwe zvake akatanga nekunyara kutaura kuti zvii zvakaita kuti masvosve nenhunzi
zviuye pamba pake, asi mudzimai uyu akazobuda pachena ndokuti anofunga kuti ari
kutumirwa tupukanana utu nemudzimai wemurume waari kugara naye.

Ndakatora murume wemunhu wandiri naye, saka masvosve aya ndeyeshaisano.

Zvose izvi ndakazviudzwa nemumwe maporofita," akadaro Ellen Mukwambo.

Chikomba chemudzimai uyu chakaramba kutaura nezvenyaya iyi ndokuti hapana
chinoshamisa panyaya yemasvosve, nokuti masvosve anongobuda pose pose.

Ko, zvashamisei kuti mumba medu muri kubuda masvosve. Masvosve anobuda pose
pose, akadaro Shepard Karedza.

Muhurukuro yakaitwa maringe nenyaya iyi, murume uyu akabvuma kuti ane vakadzi
vaviri uye ari kugara kumba kwemukadzi mudiki. "Zvekuti ndine vakadzi vangani
hamunei nazvo, asi munoda kunditorera vakadzi vangu?Vakadzi ndine vaviri uye
parezvino ndinogara kuno nemukadzi mudiki sezvo takatadza kuwirirana nemukadzi
wangu mukuru, akadaro Shepard Karedza.

Mukadzi mukuru waShepard Karedza akati haasi kufara nekutorerwa kwaakaita
murume wake naEllen Mukwambo, uye naizvozvo achaedza zvose zvaanogona kuti
aparadze rudo rwevaviri ava.

Handitorerwe murume nepfambi. Vachanditsvaga vanhu ava. Ndichavapfidzisa, ende
vachakaura," akapika Shelter Chipendo. Panyaya yemasvosve nenhunzi
zvirikuwanikwa kumba kwemukadzi mudiki uyu, Shelter Chipendo akati zvinhu izvi
ngazviite basa razvakatumwa kusvika vanhu vapfidza kuita chihure masikati machena.

Ndakangonzwa kuti kumba kwavo kwaita masvosve nenhunzi imba yose kkkkkkkkk
ndozvavaitsvaga vacharidza mhere apa havasati," akadaro Shelter Chipendo.
Muvakidzani wepamba pari kubuda masvosve, Tryness Chamboko, akatsinhira
nezvechishamiso ichi apo akati masvosve ari kubuda pamba apa haana kumira mushe.

Padzimba dzose dzakatenderedza, imba yaEllen chete ndiyo iri kubuda masvosve.
Ndakanzwa kuti pamba pemudzimai uyu pakagadzirwa nemushonga nekuti akatora
murume wemuridzi," akadaro Tryness Chamboko.