LOADING

Type to search

Nehanda Guardian Provincial Newspapers

Ozvara mwana akafanana nemuvakidzani

Share

VAKURU vakati rina manyanga hariputirwe. Mumwe mudzimai wekwaNzvimbo
kuChiweshe, Sarah Dzomba, uyo ane makore makumi maviri nemasere ekuberekwa
(28), ari kushaya pekupinda nekunyara apo akabara mwana akafanana nemumwe
murume wemunhu uye murume wacho ari muvakidzani zvekare.
Nyangwe zvazvo Dzomba akamboedza kuviga pamuviri apo paakapuhwa nemumwe
murume uyo anogara pedyo nemusha wavo, asi chokwadi chakazobuda pachena
mavhiki maviri adarika kuti vaviri ava vaiita nyaya dzerudo mushure mekunge
mudzimai uyu abara mwana mukomana uyo akafanana nemurume muvakidzani.
Nyaya yekudanana kwevaviri ava yakambonetsa asi vakazopunyuka sezvo pakange
pasina chokwadi chinobatika maringe nezvekudanana kwavo. Naizvozvo
kuzozvarwa kwemwana ane chiso chakafanana nemuvakidzani uyu zvabva
zvaburitsa pachena kuti Dzomba akashinha nemurume uyu nekuti pachiso, hutema
pamwe nehurefu hwemurume muvakidzani hapana kana mutsauko nemwana.
Sezvo kaonero pamwe nemafungiro zvakati siyanei, Dzomba akaramba kuti mwana
wake akafanana nemurume muvakidzani uyu, asi mudzimai wemurume
muvakidzani, Muchaneta Tsapo, akatsinhira kuti mwana akazvarwa naDzomba
akafanana chiso nemurume wake.
"Aifunga kuti akangwara, manje aigochera pahutsi nokuti mwana wake akafanana
nemurume wangu, tichapedzerana," akadaro Muchaneta Tsapo.
Panguva imwecheteyo apo Muchaneta Tsapo ari kuchema nebasa raakaitirwa
nemurume wake, hama dzaSarah Dzomba dziri pamhemberero yekuti vawana
mukuwasha.
"Nyangwe vaviri ava vakaita zvakashata asi sehama tiri kupembera sezvo Sarah
akange asati aita mwana kubva aberekwa. Kwatiri atori makorokoto uye tinotenda
akamupa mimba yacho," akadaro Esinath Dzomba, sisi waSarah.
Mamwe mashoko kubva kuhama dzaSarah anotsigira kumitiswa kwaakaitwa
nemurume uyu asi mashoko acho ari marwadzo kumukadzi wemurume akamitisa.
Dzimwe hama neshamwari dzemurume uyu dzakabvuma kuti mwana akafanana
nemurume uyu asi hurongwa hwekuita hurukuro nemurume akafanana nemwana
hauna kuzobudirira sezvo murume uyu akupota achibuda pamba rungwanani
ngwanani vanhu vasati vamuka achinoswera kwaGweshe munzvimbo
yechiChiweshe nenyaya yekunyara.
Kubva zvaonekwa kuti mwana akafanana nemuvakidzani uyu, Sarah Dzomba haasi
kutendera vanhu kuzoona mwana uyu. “Ndakasvika ndichida kuona mwana
ndokubva ndanzi mwana arara asi iye asina kurara," akadaro Mercy Maruza
wekwaNzvimbo kuChiweshe.
Nyakufanana nemwana haasi kubatika kuti ajekese nezvemwana uye kutsvedza-
tsvedza kwake munyaya iyi zviri kuburitsa pachena kuti anogona atori baba
wemwana uyu zvechokwadi.

Next Up