LOADING

Type to search

Provincial Newspapers The Times

Tengai midziyo kwete motokari – Kombayi

Share

SHONA – Vakafanobata chigaro chaMeya weGweru, VaAlderman Hamutendi Kombayi,
vakakurudzira kanzuru yeGweru kuti itenge zvinhu zvinobatsira kusimudzira mabasa everuzhinji
kwete kutengera vatungamiri motokari dzemhando yepamusoro.

Vachitaura pamusoro pemusangano wekukurukura nezveurongwa hwemashandisirwo emari
hwegore 2024 hweGweru, VaKombayi vakati kana vagari vakasakurudzira kutengwa kwezvinhu
zvakakosha zvakaita sepombi dzemvura uye michina yokupombesa mvura kuti pawedzerwe
kuwaniswa kwemvura, vatungamiri vachazvitengera motokari.

“Tinoda kuziva zvinhu zvichada kutengwa mugore ra2024. Tinoda michina yokupombesa mvura
kuWhitewaters, Amapongokwe uye pamuzinda wokuchenesa mvura weGwenoro neinopomba
mvura ichiendesa kunzvimbo dzinogara vanhu.

Pombi inoendesa mvura mudhorobha inofanirwawo kubviswa pachiiswa itsva," vakadaro
VaKombayi.

Gweru yakasangana nematambudziko ekuwaniswa kwemvura mumakore gumi apfuura.

VaKombayi vakakurudzira vagari kuti vapinde mumisangano inokurukurwa kweurongwa
hwemashandisirwo emari kuitira kuti vajekese nzvimbo dzinofanirwa kutariswa nekanzuru.

Tinofanirwa kuziva zvatinoda sevagari kana taenda kumisangano iyi," vakadaro.

VaKombayi vakayambira mukuru weGweru Residents neRatepayers Association, VaCornelius
Selipiwe, kuti kana vagari vakasakoshesa kutengwa kwemidziyo yakakosha vachachema kwegore
zvakare.

“Ino ndiyo nguva yatinoda kuti tiise misoro pamwe chete sevagari uye tigova muurongwa
hwemashandisirwo emari kuitira kuti zvinhu zvakakosha zvakaita semichina yokupombesa mvura
zvitengwe panzvimbo pemotokari,” vakadaro.

SHONA

VaKombayi vakati zvinonetsa kupa mazano kuna meya ari pachigaro ichi, VaMartin Chivhoko, sezvo
bato ravo reCitizens Coalition for Change riri kuita zvematongerwo enyika muhofisi yavo.

“Chivhoko ari panguva yokumanikidzika nebato rake reCCC sezvo asingabvumidzwe kuonekwa
achikurukura nevanhu vemamwe mapato ezvematongerwo enyika vakaita saVaKombayi vanove
nhengo yeMDC-T.

“Izvi zvanga zvichiitika kubva pataive tose mukanzuru panguva yakapihwa mutungamiri wenyika
VaEmmerson Mnangagwa Rusununguko rweGuta.

“Vakapihwa mitemo yokuti kana vakabatana nevamwe vanhu vacharangwa zvakaomarara saka
handingatambise nguva yangu ndichiedza kumupa mazano,” vakadaro VaKombayi.

Mutauriri wekanzuru, Vimbai Chingwaramusee, anoti kanzuru haisati yatanga kutaurirana
nemawadhi asi kuti yaita misangano miviri nevagari iyo yakarongwa neGRRA.

VaSelipiwe vanoti vakaita misangano kuMkoba nevanhu vane urema yakanangana nekutsanangura
gwaro remibvunzo yeurongwa hwemashandisirwo emari hwakaitwa neGweru.

“Kanzuru yakagadzira gwaro remibvunzo, iro rinoitirwa kubatsira vagari veko kuti vange vachipawo
pfungwa dzavo muurongwa hwemashandisirwo emari.

“Asi takaona kuti gwaro remibvunzo iri rakagadzirwa nenzira yokuti inoshandisa dhata uye inogona
kuwanikwa chete kana uine nharembozha yemhando yeandroid. Takazoronga kudhinda gwaro
remibvunzo iri pamapepa tikaonawo kuti pane mibvunzo yaida tsanangudzo kubva kukanzuru, saka
takakoka vagari vemo nevanhu vane urema uyewo takange tiina (Owen) Masimba anova
mutevedzeri wemukuru wezvemari muGweru kuti vatsanangure,” vakadaro VaKombayi.

Kuburikidza negwaro remusi wa2 Gumiguru, Bazi rinoona nezveKutongwa kweMatunhu neMabasa
eHurumende rakati harisi kuzotambira urongwa hwemashandisirwo emari hwekanzuru kana pasina
humboo hwekutaurirana nevagari. Bazi iri rakawedzera zvakare richiti urongwa hwose
hwemashandisirwo emari hunofanirwa kunge hwashambadzwa musi wa10 Mbudzi usati wasvika.

Nyaya iyi yakaturikirwa kubva kuChiRungu kuenda kuChiShona neMidlands State University
Language Institute.