More
    HomeProvincial NewspapersTengai midziyo kwete motokari – Kombayi

    Tengai midziyo kwete motokari – Kombayi

    Published on

    spot_img

    SHONA – Vakafanobata chigaro chaMeya weGweru, VaAlderman Hamutendi Kombayi,
    vakakurudzira kanzuru yeGweru kuti itenge zvinhu zvinobatsira kusimudzira mabasa everuzhinji
    kwete kutengera vatungamiri motokari dzemhando yepamusoro.

    Vachitaura pamusoro pemusangano wekukurukura nezveurongwa hwemashandisirwo emari
    hwegore 2024 hweGweru, VaKombayi vakati kana vagari vakasakurudzira kutengwa kwezvinhu
    zvakakosha zvakaita sepombi dzemvura uye michina yokupombesa mvura kuti pawedzerwe
    kuwaniswa kwemvura, vatungamiri vachazvitengera motokari.

    “Tinoda kuziva zvinhu zvichada kutengwa mugore ra2024. Tinoda michina yokupombesa mvura
    kuWhitewaters, Amapongokwe uye pamuzinda wokuchenesa mvura weGwenoro neinopomba
    mvura ichiendesa kunzvimbo dzinogara vanhu.

    Pombi inoendesa mvura mudhorobha inofanirwawo kubviswa pachiiswa itsva," vakadaro
    VaKombayi.

    Gweru yakasangana nematambudziko ekuwaniswa kwemvura mumakore gumi apfuura.

    VaKombayi vakakurudzira vagari kuti vapinde mumisangano inokurukurwa kweurongwa
    hwemashandisirwo emari kuitira kuti vajekese nzvimbo dzinofanirwa kutariswa nekanzuru.

    Tinofanirwa kuziva zvatinoda sevagari kana taenda kumisangano iyi," vakadaro.

    VaKombayi vakayambira mukuru weGweru Residents neRatepayers Association, VaCornelius
    Selipiwe, kuti kana vagari vakasakoshesa kutengwa kwemidziyo yakakosha vachachema kwegore
    zvakare.

    “Ino ndiyo nguva yatinoda kuti tiise misoro pamwe chete sevagari uye tigova muurongwa
    hwemashandisirwo emari kuitira kuti zvinhu zvakakosha zvakaita semichina yokupombesa mvura
    zvitengwe panzvimbo pemotokari,” vakadaro.

    SHONA

    VaKombayi vakati zvinonetsa kupa mazano kuna meya ari pachigaro ichi, VaMartin Chivhoko, sezvo
    bato ravo reCitizens Coalition for Change riri kuita zvematongerwo enyika muhofisi yavo.

    “Chivhoko ari panguva yokumanikidzika nebato rake reCCC sezvo asingabvumidzwe kuonekwa
    achikurukura nevanhu vemamwe mapato ezvematongerwo enyika vakaita saVaKombayi vanove
    nhengo yeMDC-T.

    “Izvi zvanga zvichiitika kubva pataive tose mukanzuru panguva yakapihwa mutungamiri wenyika
    VaEmmerson Mnangagwa Rusununguko rweGuta.

    “Vakapihwa mitemo yokuti kana vakabatana nevamwe vanhu vacharangwa zvakaomarara saka
    handingatambise nguva yangu ndichiedza kumupa mazano,” vakadaro VaKombayi.

    Mutauriri wekanzuru, Vimbai Chingwaramusee, anoti kanzuru haisati yatanga kutaurirana
    nemawadhi asi kuti yaita misangano miviri nevagari iyo yakarongwa neGRRA.

    VaSelipiwe vanoti vakaita misangano kuMkoba nevanhu vane urema yakanangana nekutsanangura
    gwaro remibvunzo yeurongwa hwemashandisirwo emari hwakaitwa neGweru.

    “Kanzuru yakagadzira gwaro remibvunzo, iro rinoitirwa kubatsira vagari veko kuti vange vachipawo
    pfungwa dzavo muurongwa hwemashandisirwo emari.

    “Asi takaona kuti gwaro remibvunzo iri rakagadzirwa nenzira yokuti inoshandisa dhata uye inogona
    kuwanikwa chete kana uine nharembozha yemhando yeandroid. Takazoronga kudhinda gwaro
    remibvunzo iri pamapepa tikaonawo kuti pane mibvunzo yaida tsanangudzo kubva kukanzuru, saka
    takakoka vagari vemo nevanhu vane urema uyewo takange tiina (Owen) Masimba anova
    mutevedzeri wemukuru wezvemari muGweru kuti vatsanangure,” vakadaro VaKombayi.

    Kuburikidza negwaro remusi wa2 Gumiguru, Bazi rinoona nezveKutongwa kweMatunhu neMabasa
    eHurumende rakati harisi kuzotambira urongwa hwemashandisirwo emari hwekanzuru kana pasina
    humboo hwekutaurirana nevagari. Bazi iri rakawedzera zvakare richiti urongwa hwose
    hwemashandisirwo emari hunofanirwa kunge hwashambadzwa musi wa10 Mbudzi usati wasvika.

    Nyaya iyi yakaturikirwa kubva kuChiRungu kuenda kuChiShona neMidlands State University
    Language Institute.

    Latest articles

    Pope Francis dies

    Harare, (New Ziana) - Pope Francis, the head of the Roman Catholic Church, died...

    Nembudziya, A Sleepy Giant Awakens: From Rural Silence to National Spotlight

    By Maxwell Mapungwana NEMBUDZIYA, (New Ziana) — On a rainy morning on 18 April this...

    Nembudziya growth charms chief, praises government

    Gokwe, (New Ziana) - President Emmerson Mnangagwa's policy of inclusivity must be hailed for...

    Vision Group secures green light for Tongaat Hulett takeover 

    Harare, (New Ziana) — In a development that could reshape Zimbabwe’s agricultural landscape, Vision...

    More like this

    Pope Francis dies

    Harare, (New Ziana) - Pope Francis, the head of the Roman Catholic Church, died...

    Nembudziya, A Sleepy Giant Awakens: From Rural Silence to National Spotlight

    By Maxwell Mapungwana NEMBUDZIYA, (New Ziana) — On a rainy morning on 18 April this...

    Nembudziya growth charms chief, praises government

    Gokwe, (New Ziana) - President Emmerson Mnangagwa's policy of inclusivity must be hailed for...