LOADING

Type to search

Chaminuka Provincial Newspapers

Tete vemusangano weZanu PF vogutsikana nekufambiswa kwebasa

Share

MARONDERA Tete vanoona nezvekufambiswa kwezvirongwa (National Political Commissar) mubato riri kutonga reZanu PF, Dr Mike Bimha vakaratidza kugutsikana kukuru nemafambisirwo ari kuitwa maringe nezvirongwa zvekutsvaga rutsigiro panguva iyo nyika yakatarisana nesarudzo dzemaby-election dzichaitwa musi wa 3 Kukadzi gore rino.

Mwedzi unouya, pane nhengo mbiri dzichazenge dzichimirira Zanu PF musarudzo idzi kuti dzigozomiririra Goromonzi South neSeke uye nhengo idzi ndiVaWashington Zhanda naVaMunyaradzi Kashambe.

Zvigaro zvemudare reParamende iri hazvina vanomiririra mushure mekunge nhengo dzaimbovapo dzebato rinopikisa reCitizens Coalition for Change (CCC), VaStephen Chatiza naVaWillard Madzimbamuto, dzakamiswa basa nemunyori mukuru webato iri anonzi VaSengezo Tshabangu.

Mudunhu reMashonaland East, sarudzo dzemaby-elections dzichazenge dzichiitwa zvakare muMarondera Central mumawadhi 8, 3 ne10 umo VaTshabangu vakamisa basa vaimbenge vave Mayor wedhorobha reMarondera VaAbel Nyakarombo, vaive mutevedzeri wavo VaBornface Tagwirei pamwe chete naVaThompson Magaluwa.

Panguva ino yekutsvaga rutsigiro, bato reZanu PF riri kuita misangano mizhinji yekukwezva vanhu kuti vazovhotera nhengo dzichange dzichirimiririra uye pamisangano yebato iri yose, pari kuwanikwa paine vanhu vazhinji zvinova zvinoratidza kusimba kwaro munhau dzezvematongerwo enyika.

Munguva pfupi yadarika, Dr Bimha vakasangana nenhengo dzichakwikwidza musarudzo dzichaitwa mwedzi unotevera idzi pamwe chete nevatsigiri vemusangano nechinangwa chekuona pasvikwa nekutsvaga rutsigiro.

Vakaudzwawo nezvemadzudzo ari kusanganikwa nawo mukati mezvirongwa zvekutsvaga rutsigiro uku uye matanho angatorwe kuitira kuti matambudziko acho agadziriswe.

Muhurukuro yavakaita nevatori venhau mushure memusangano uyu, Dr Bimha vakati: “Ndiri muno muMarondera kuti ndizvionere zviripo maringe negadziriro dziri kuitwa nemusangano wedu weZanu PF panguva iyo takatarisana nesarudzo dzemaby-elections dzichaitwa nemusi wa3 Kukadzi. Mukati memasvondo akadarika, ndakatoita chirongwa chakadai mumatunhu eBulawayo, Midlands neMashonaland West uko kuchazenge kuchiitwa sarudzo dzakadai pazuva iroro.

“Ndaudzwa nezvemabasa pamwe nezvirongwa zviri kuitwa mukutsvaga rutsigiro uye ndaoneswawo matambudziko ari kusanganikwa nawo pakubatwa basa kuri kuitwa nenhengo dzemusangano wedu dzose dzakazvipira kuti bato redu rizenge richikunda musarudzo dziri kuuya idzi. Ndichasvitsa zvose zvandaona pamwe nekunzwa kuvakuru vedu toona kuti nhunha dzose dzingagadziriswe nemutowo upi.

“Ndafara zvikuru kuona kuti nhengo dzemusangano wedu uri kutonga weZanu PF dzakabatana uye izvi zvichaita kuti tikunde zvine mutsindo pasarudzo dzatakatarisana nadzo.”

Sachigaro webato reZanu PF mudunhu reMashonaland East, VaDaniel Garwe vakakurudzira nhengo dzose dzebato iri kuti dzirambe dzakabatana kuitira kuti bato iri rigozokunda musarudzo dzichaitwa mwedzi unouya pamwechete nedzichaitwa munguva dzinotevera.

Vakati “Taratidza kuti tinokwanisa kushandira wedu weZanu PF nesimba kuti ubudirire. Zvose zvatakaita, zvatiri kuita nezvatichaita zvichatibatsira kuti tigozowanikwa tichikunda musarudzo. SeMashonaland East, tinofanirwa kudzosa Goromonzi South neSeke kubato redu riri kutonga reZanu PF uye takagadzirira kuzadzikisa izvi.”