LOADING

Type to search

Provincial Newspapers The Times

Tibatsirei Kurwisa kushandiswa kweZvinodhaka-Mapurisa

Share

SHONA –Mapurisa vakaudza vanoona nezvekufambiswa kwemashoko kuti vavabatsire kurwisa
dambudziko rekushandiswa kwemishonga nezvinodhaka nevadiki pamwe nevakuru izvo zvinonzi
zvave kukanganisa dziviriro yenyika.

Mutauriri weMapurisa muNyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vachitaura pamusangano
wevanoona nezvekufambiswa kwemashoko uyo wakange wakarongwa neMedia Institute of South
Africa, Ass Comm Nyathi vakati nyaya yatsviriridza munyika sezvo yave kubata zvikamu zvemunyika.

“Kushandiswa kwemishonga nezvinodhaka inyaya yave kukanganisa dziviriro yenyika uye tinofara
nezviri kuitwa nevanoona nezvekufambiswa kwemashoko, asi ngatiite zvakawanda kufumura huipi
uhu.”

“Ngatishandirei pamwe nemapurisa dambudziko iri rave kubata vechidiki nevakuru, mapurisa
kunyangwe vatori venhau,” vakadaro Ass Comm Nyathi.”

“Hapana asingabatwi nenyaya yekushandisa mishonga nezvinodhaka, saka tinogona kuirwisa
seboka.”

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano reMisa-Zimbabwe, VaCris Chinaka, vanoti
vanoona nezvekufambiswa kwemashoko vanofanira kuva neukama hwakanaka nemapurisa kuitira
kuti vayamure mapoka avo.

“Hapafanirwe kuve neruvengo pakati pevaviri ava asi vanofanirwa kuremekedzana pazvinzvimbo
dzemumwe nemumwe zvine chokuita nechido,” vakadaro.

Vanhu vanosvika makumi masere nevana (84) vakasungwa muDunhu reMidlands pakati
paNyamavhuvhu naGumiguru gore rino nemhosva dzine chokuita nekushandisa zvinodhaka.

Nekuda kweudzamu hwedambudziko iri, Hurumende yakaumba makomiti ematunhu akatarisa
zvekushandiswa kwezvinodhaka akapihwa basa rekurwisa dambudziko iri munharaunda dzavo.

Ass Comm Nyathi, semaonero everuzhinji varatidzawo kushushikana nezveudzamu hwehuwori huri
kuitwa nemapurisa zvikuru mumigwagwa vachiti mapurisa havafarire huwori hunoitwa nemapurisa
kana nani zvake.

“Ngatishandirei pamwe mukurwisa huwori uhwu uye senhengo dzinoona nezvekufambiswa
kwemashoko mukaona zvichiitika, makafanira kumhan’ara,” vakadaro.
Ass Comm Nyathi vakafara kuona kuti mamwe mashoko aita kuti mapurisa asungwe aibva kuvatori
venhau.
“Takasunga mapurisa mushure mokumhan’arwa kwenyaya dzehuwori uye kunyangwe panguva
ye‘Operation Tame the Jungle’ takasunga mapurisa nenyaya dzimwechetedzo.”

“Vanoita zvemakombi nemushika shika vanofanira kusiyana nehuwori”
“Kana muchiita mabasa ari pamutemo hapana chekutya uye hapana anofanira kuuya kwamuri
achikubhadharisai,” vakadaro Ass Commissioner.

Ass Comm Nyathi vakarumbidza ukama hwakanaka huri pakati pevanoona nezvekufambiswa
kwemashoko nemapurisa uhwo huri kubatsira veruzhinji muZimbabwe.

SHONA

Vakati bazi rinoona nezvekufambiswa kwemashoko rinofanira kuita basa guru mukurwisa kuparwa
kwemhosva.

“Bazi rinoona nezvekufambiswa kwemashoko havafanirwe kunge richingotaura chete asi kuti
vanofanira kusimudzira budiriro nezvemagariro neupfumi munharaunda” vakadaro Assistant
Commissioner Nyathi.

Ass Comm Nyathi vanoti vari kuramba vachisangana nematambudziko ekubatwa chibharo, kubiwa,
kupondwa uye kubiwa kwezvipfuyo nezvimwe.

Nyaya iyi yakaturikirwa kubva kuChiRungu kuenda kuChiShona neMidlands State University National
Language Institute