NaHeadrance Viga
Glendale – Mumwe mudzimai wekuRujeko kuGlendale pamwechete nevana wake vaviri avo vane makore ari pasi pegumi nemashanu vakapona neburi retsono apo vaitsvaga huni mugomo nemusi weChina svondo rapfuura.
Vari mugomo kudaro, vatatu ava vakasanganidzana nebhinya rechirume iro rakazovashungurudza vasati vapunyuka.
Zvakaitika zuva iri ndezvekuti amai ava nevana vawo vakanotsvaga huni semazuva ose ndokusvikoona mumwe murume kunzvimbo yavaitsvagira huni, zvadaro murume wacho akabva arova amai ava. Nekurwadziva mukadzi uyu akabva apunyuka ndokutiza achisiya vana wake.
Zvinonzi bhinya racho rakazotora vana ava ndokutiza navo. Zvadaro murume uyu, uyo asiri kuzivikanwa zita rake parizvino akange ane banga nepfumo izvo zviri kufungidzirwa kuti ndozvaari kushandisa kuita mabasa ehutsinye. Ari munzira achifamba nevana vaviri ava, zvinonzi bhinya riya rakabva rapusiswa nevana ava rikaona sokunge vana vakange vakapusa ndokubva ratizwa nevana ava masikati machena.
Raona kuti ratizwa, bhinya riya rakatanga kumhanyisa vana ava. Vachimhanyiswa kudaro vana vakange vachidanidzira pamwe nekuchema izvo zvakazoita kuti vanunurwe kubva kubhinya racho. Mumwe akaona bhinya racho ndiEdmore Banana Kambudzi uyo akati bhinya racho rakange richimhanya uye rakasungirira bhachi muchiuno.
Mushure mekumhanyisa vana ,bhinya ndiro rakazopedzisira nokumhanyiswa nevamwe varume vanunuri munyaya iyi asi harina kuzobatwa mushure mekutizira mumunda wechibage .Nyaya yebhinya iri yakazomhan’arwa kumapurisa emuGlendale avo vari kuita ongororo maringe nenyaya iyi pamwe nekutsvaga mupari wemhosva yacho.