LOADING

Type to search

Provincial Newspapers The Times

Vanhu makumi masere nevana vosungwa pamusoro pekushandisa zvinodhaka.

Share

SHONA — Vanhu vanosvika makumi masere nevana vakasungwa pamusoro pekushandisa
zvinodhaka uye maringe nekupara mhosva dzine chekuita nekushandisa zvinodhaka muDunhu
reMidlands pakati pemwedzi waNyamavhuvhu naGumiguru gore rino.
Vanhu makumi maviri nevatatu vakaendeswa kumatare edzimhosva, vamwe makumi
mapfumbamwe vakabvisa muripo wekupara mhosva. Vanhu vanosvika gumi nevatatu
vakaonekwa vari vanhu vanotengesa zvinodhaka vakasungwa.
Mumiriri webudiriro yeveruzhinji muDunhu reMidlands, VaTaurai Mpofu vanoti vanhu makumi
masere nevana vakusungwa muDunhu rino mumwedzi yaNyamavhuvhu nekutanga kwemwedzi
waGumiguru pamusoro pekushandisa zvinodhaka. Vanoti zvinodhaka zvinonyanyoshandiswa
ndezvinoti cannibus broncleer nechristal meth.
Vanhu vanopfuura zviuru mazana maviri nemakumi matanhatu nevana muDunhu reMidlands
vakapiwa yambiro pamusoro pekushandisa zvinodhaka.
Komiti yemuDunhu reMidlands yakabvumirana kushandisa Dadaya Training Centre iri
muZvishavane senzvimbo yekudzoreredza vanenge vaita dambudziko mushure mekushandisa
zvinodhaka.
Hurumende yakaisa makomiti kubva kudanho remawadhi kusvika nyika yese kuti vabatsire
kurwisana nedambudziko rekushandisa zvinodhaka mushure mekuona kukura kwedambudziko
iri.
Tsvakurudzo dzakaitwa dzakaratidza kuti zvikamu zvinomwe zvine chidimbu chimwe kubva
muzana zvevana vechidiki vanoshandisa zvinodhaka.
Vachitaura pamusangano wakaitwa mudunhu reMidlands wezvekuderedzwa kwekushandiswa
kwezvinodhaka, Gurukota re”Skills Audit and Development” VaPaul Mavhima vanoti bazi
rezvekuchengetedza mitemo rinofanira kuita chikamu chebasa ravo mukubvisa kushandiswa
kwezvinodhaka vasingatyi kana vasina kwavakarerekera.
Vanoti kana zvikasatarisiswa, kushandiswa kwezvinodhaka kunogona kuparadza varikukura
vose. Prof Mavhima vanoti panofanira zvakare kurwisa huori mubazi rezvekuchengetedzwa
kwemitemo.
“Vanotaura vanoti, vamwe vanhu vezvekuchengetedzwa kwemitemo vari kubhadharwa kuti
vasacheuke kune zviri kuitwa nevari kutyora mitemo uye tiri kuti kwete kune huori hwerudzi
urwu nokuti vose vari kuita zvehuori nevari kubvuma kuita huori kuti vari kuuraya remangwana
renyika,” vanodaro Prof Mavhima.

Vanoti bazi rezvekuchengetedzwa kwemitemo rinokwanisa kupedza dambudziko iri asi vari
kuderedzwa nehuori huri kuonekwa mavari.
Prof Mavhima, avo vari mumwe wekomiti yenyika inoona nezvekushandiswa kwezvinodhaka
vanoti hakufaniri kuve nevanhu vanosiiwa mukurwisana nekutorwa kwezvinodhaka avo
vanosanganisira vemabhizimusi vanotengesa zvinodhaka kunyange vari vezvematongerwo
enyika kana vakazvimiririra.
“Bazi rezvekuchengetedzwa kwemitemo rakakosha mukuderedza kuunzwa kwezvinodhaka.
Vanofanira kuteverera vanhu vose vari kuita zvakaipa nekuburitsa pese pavanoshandira.
Vanofanira kuvhara nzvimbo dzose nekuburitsa pachena vanhu vose vari kuita zvekushandisa
zvinodhaka nokuti vari kuita zvakaipa kunzvimbo yedu.
“Vanofanirwa kusungwa uye panofanirwa kuve nemutongo wakaomarara kune avo vanoita
nezvekufambiswa kwezvinodhaka,” vanodaro VaMavhima.
Prof Mavhima vanoti bazi rinoita nezvekuchengetedzwa kwemitemo kuburikidza nechirongwa
chekuchenesa nzvimbo rinofanira kuramba zvose zvakaipa zvinoitwa nevanotengesa
zvinodhaka.
“Vanofanira kuita izvi vasingatyi kana kuve nekwavakarerekera nokuti vanotengesa zvinodhaka
ava vari kuuraya remangwana renyika,” vanodaro VaMavhima.
Prof Mavima vanoti vabereki vasingachengetedzi vana vachivasiya vachitora zvinodhaka vari
panjodzi nekuti vanogona kufirwa nevana.
“Bazi rinoona nezvekuchengetedzwa kwevana rinofanira kuchengetedza vana ava nekuvatora
vovaendesa kuvabereki vangavachengeta,” vanodaro VaMavhima.
Prof Mavhima vanoti zvinoshungurudza kuona mwana ane makore gumi achidzidziswa kutora
zvinodhaka.
“Kana vana ava vangotanga izvi vanopedzisira vave kuita zvebonde vobatira AIDS nezvimwe
zvirwere zvepabonde,” vanodaro VaMavhima

Next Up