LOADING

Type to search

Chaminuka Provincial Newspapers

Vanotengesa pekugara zvisiri pamutemo vopihwa yambiro yakasimba

Share

MARONDERA- Sachigaro webato reZanu PF riri kutonga muZimbabwe, VaDaniel Garwe vakapa yambiro yakasimba kumagevhenga ari kushandisa zita remusangano uyu vachibira vanhu mari dzavo vachitengesa pekugara zviri kunze kwemutemo.

Vanhu vanotengesa pekugara nechikiribidi ava vari kuzviita vachitsotsa veruzhinji vanenge vakaomerwa vaine chishuwo chekuvaka dzimba panzvimbo dzavanenge vachiti dzavo.
Matsotsi evhu aya haasi pamusoro pemutemo uye achawanikwa achisungwa zvisinei nekuti angange aine zvigaro zvemhando ipi mubato reZanu PF.

VaGarwe vakataura mashoko aya pamusangano wekutsvaga rutsigiro rwenhengo dzichamiririra bato riri kutonga musarudzo dzekutsvaga nhengo dzichazokwikwidza kuGoromonzi South nekwaSeke dzichizonanga mudare reParamende mwedzi unouya.

Musangano uyu wakaitirwa kuCaledonia mudunhu reGoromonzi munguva pfupi ichangodarika.
Mashoko akaturwa naVaGarwe akaturwa zvichitevera zvinyunyuto zvakabva kuvagari vemunzvimbo iyi avo vakati magevhenga ekutengesa pekugara zvisiri pamutemo ane katsika kekutora mari kuvanhu achizviti ndiwo ane masimba munharaunda.

Vamwe vacho vanovhundutsira vanhu vachishandisa zita rebato reZanu PF zvinova zvinozoita kuti vanoda pekugara vazenge vachibhadhara kunyangwe zvazvo vaine kugununun’una kukuru maringe nemaitiro akadaro.

“Hakasi kekutanga ndichitaura mashoko ekumhura matsotsi anotengesera vanhu ivhu nepekugara zvisiri pamutemo. Ndichangoramba ndichizvitaura uye ndichisimbaradza kuti vanhu vakadaro havana nguva yakareba vachiita izvi. Wose achawanikwa achitengesa kana akambotengesa pekugara achibira vanhu mari dzavo achasungwa otongwa kumatare edzimhosva. Vose vanoita izvi vachaendeswa kujeri kuti vanopikira mhaka dzavo kana vachinge vangobatwa nemhosva chete.

“Kana paine vanga vaine hurongwa hwekuita katsika ikako ngavapfire pasi imbwa inhonge. Ngatisashandisei zita remusangano wedu weZanu PF kubira vanhu kana kuita tsika dzakaipisa dzinosvibisa bato redu. Zvinhu zvose zvinofanirwa kuitwa negwara chairo kwete jakarajakara.

Kutanga parizvino sekutaura kwandiri kuita pano, hapana munhu anofanirwa kuwanikwa achipa matsotsi aya nemari nekuti ivhu raanotengesa harisi rawo.

“Tichatumira boka revanhu vachauya kuzoferefeta nyaya dzekutengeswa kwevhu kwakaitika uye tichada kuziva kuti mari dzose dzamaibhadhariswa pose apa dzakashandiswei. Munhu wese achamira nemhosva dzake,” VaGarwe vakakohemedza.

Vakaenderera mberi vachiti vagari vemuCaledonia vachapihwa matsamba anoratidza kuti nzvimbo dzavari kugara dzave dzavo zviri pamutemo naPresident Mnangagwa sekuvimbiswa kwazvakaitwa.

Vachitaura pamusoro pesarudzo dzemaby-elections dzichaitwa muna Kukadzi, VaGarwe vakati nhengo dzose dzebato reZanu PF dzinofanirwa kubatsira kutsvaga rutsigiro rwekuti vachange vachirimirira muGoromonzi South nekwaSeke dzinge dzichikunda zvine mutsindo.

“Tose senhengo dzebato reZanu PF, ngatibatanei totsvaga rutsigiro rwekuti nhengo dzemusangano wedu dzigozobudirira pamaby-elections atakatarisana nawo. Madzimai emubato redu tinoaziva achibata basa remusangano nesimba. Izvi ndizvo zvimwechetewo nevechidiki vacho. Ngatisvikei munzvimbo dzose dziri mumatunhu achaitwa sarudzo idzi tokwezva vanhu kuti vavhotere vachange vachikwikwidza vakamirira bato redu reZanu PF.

“Ndine chokwadi chekuti tichakunda vebato rinopikisa tosimbaradza dzinde redu mudare reParamende. Zanu PF inoisa zvido zvevanhu pamoyo uye ndiyo ine Hurumende iri kutonga zviri kuita nyika yedu irambe ichifambira mberi murunyararo,” vakadaro.

Sachigaro weZanu PF Women’s League muMashonaland East Dr Aplonia Munzverengwi, vachitaura pamusangano mumwechetewo, vakati bato iri rinoda vanhu vanogona kukwezva dzimwe nhengo kwete vane zviito zvinokonzeresa kuti vamwe vasave nechivimbo naro.

Pamusoro pezvo, vakashorawo kuita kwevanhu vari kutorera vanhu mari dzavo kubudikidza nekutengesa pekugara zvisiri pamutemo.

“Tinoda nhengo dzinotevedza gwara remusangano uye ngatiwanikwei tichiratidza hunhu hunoita kuti vanhu vade kunge vachiuya kuzova nhengo dzebato redu reZanu PF. Vose vanotsaudzira, kusanganisira avo vari kutengesa ivhu renyika zvisiri pamutemo vanotishoresa uye ngavasiyane nekutsaudzira kwakadai,” Dr Munzverengwi vakadaro.

Mumaby-elections achaitwa mwedzi unouya, Zanu PF ichazenge ichimirirwa naWashington Zhanda kuGoromonzi South pamwechete naMunyaradzi Kashambe kwaSeke.