LOADING

Type to search

Provincial Newspapers Pungwe News

Varimi vePfumvudza votanga gadziriro

Share

GLENDALE – NECHINANGWA chekuda kufambirana nekushanduka kwemamiriro
ekunze apo mvura iri kufungidzirwa kuti inogona kuva shoma mwaka wekurima
watarisanwa nawo varimi vePfumvudza vakatotanga kare kuita gadziriro yekurima
mwaka uno.
Parizvino varimi kubva munzvimbo dzakasiyana-siyana vatove padanho repamusoro
maringe nenyaya yekurima muchirongwa chePfumvudza icho chakavambwa
nehurumende neshungu dzekuda kupedza nzara pamhuri imwe neimwe iri munyika.
Nyangwe zvazvo pasi pachiri pakaoma nekuda kwezuva iro raakupisa zvakanyanya
asi parizvino varimi vari kuita mabasa akasiyana-siyana ayo anosanganisira kuchera
makomba ekudyara chibage pamwe nekutara mitsara yekudyara chirimwa
chesoyabhinzi.
Pavarimi ava, vamwe ndovari kugadzira madhunduru ekuti kana mvura yonaya
isazokanganisa mbeu dzavo.
Mumwe murimi wechirongwa chePfumvudza munzvimbo yeGlendale, VaWisdom
Mutauri anoti akatotanga kare gadziriro yekurima.
"Ndakatanga kuchera makomba echibage svondo rakapera uye ndakatopedza.
Nyangwe pasi pachiri pakaoma asi ndakashingirira kudzamara ndapedza," akadaro
Wisdom Mutauri.
Kunzvimbo yeConcession, gadziriro dzakatotanga zvekare apo Samuel Chikanzi
anoti ari mubishi kuita mitsara yekuzodyara chirimwa cheSoyabhinzi.
"Hapana chekumirira, takanzwa kuti mvura inogona kuita shoma, saka ndakatotanga
kutara mitsara yekudyara soyabhinzi kuti tisazosara kana mvura yakutanga
kunaya,"akadaro Samuel Chikanzi.
Chirongwa chePfumvudza, chirongwa chinowanisa varimi vadiki mbeu, mishonga,
fetereza pamwe nemazano akakosha mukurima izvo zvinobatsira zvikuru takatarisa
nyaya dzine chekuita nebhizimusi rekurima. Chirongwa ichi ndicho zvekare
chakanunura varimi vadiki avo vaisakwanisa kuwana mombe trakita, magejo, hara
kana zvikoforo pakurima nekuda kwehurombo. Pfumvudza mucherechedzo mukuru
wakaitwa neHurumende apo yakarangarira varombo, nherera nechirikadzi, avo vari
munyaya dzekurima.