LOADING

Type to search

Chaminuka Provincial Newspapers

Varimi Vokurudzirwa Kuwedzera Kurima Hove

Share

Varimi vakakurudzirwa kuti vawedzere kurima hove kuitira kuti pave nokudya kunovaka muviri uye mari.
Mutevedzeri waDhairekita wezveKuchengetwa noKurimwa kweHove neZvimwe zveMumvura , Lilian Nyashanu akati danho iri chikamu chokuedza kutsigira Muono wa2030 wokuwanisa zvokudya zvinovaka muviri zvakakwana.

Bazi iri riri kudawo kuisa hove mumadhamu anosvika churu nemazana maviri (1 200) munyika yose kuburikidza nokushandisa Chirongwa cheMutungamiriri weNyika choKurima Hove Munharaunda kuitira kuti vanhu vagone kuriritira mhuri dzavo. Izvi zvichaita kuti pavakwe madziva maviri pabhuku roga roga rinoita zvemabhizimusi, kumabhizimusi evechidiki uye mabhizimusi emuzvikoro.

Kuti chirongwa ichi chibudirire, varimi vakapiwa rutsigiro kuburikidza nekudzidzisa vechidiki maitirwo okuchengeta hove akanaka.

“Bazi rezvoKurima rinotsigira muono uyu kuburikidza nokuva nehurongwa hwekurima zvokudya uye nzira yokushandura kumaruwa kuburikidza nokuwedzera zvirimwa, zvipfuyo, kurimwa kwehove pamwe nokuwaniswa kwezvokudya zvakakwana munyika,” Nyashanu akadaro.

Vakawedzera vachiti kuitira kuti izvi zvibudirire, bazi iri rakavamba chirongwa chebudiriro chekumaruwa che8.0 icho chichava nezvirongwa zvekusimudzira kumaruwa zveMutungamiriri weNyika zvinotarisirwa kubatsira mabhuku anoita zvemabhizimusi uye mabhukuwo zvawo anosvika zvuru makumi matatu nemashanu (35 000) , mabhizimusi evechidiki anosvika zvuru zvina nemazana masere (4 800) uyewo mabhizimusi ezvikoro anosvika zvuru gumi (10 000).

“Bazi rezveKuchengetwa noKurimwa kweHove neZvirimwa zvoMumvura richapawo hove diki kune vakavaka kare madziva kuitira kuwedzera kurimwa kwehove mumabhuku munyika kuitira kuti vanhu vawane zvokudya zvinovaka muviri uyewo hove dzavanokohwa vachitengesa kutengesa kuti vawane mari yekuriritira mhuri dzavo, ” Nyashanu akadaro.

Vakakurudzirawo nyanzvi dzekupfuwa hove kuti dzigadzire makomiti emadhamu ayo achatarisisa zvakasimba mabasa ekuredza hove uye kuti pave nechokwadi chokuti hapana kuredzwa kwehove zvisiri pamutemo.

“Kubva gore rapera kusvika pari zvino, pasi pechirongwa cheMutungamiriri weNyika chokuwanisa zvokurima hove, madhamu makumi mashanu nematanhatu (56) nemadziva makumi manomwe nemapfumbamwe (79) akaiswa hove diki dziri kutarisirwa kukohwewa munguva pfupi iri kutevera,” Nyashanu akadaro .
Nyaya iyi yakaturikirwa kubva kuChiRungu kuenda kuChiShona neMidlands State University National Language Institute