LOADING

Type to search

Provincial Newspapers Pungwe News

Varimi Voyambirwa Kusashandiswa zvakanaka kwembeu yePfumvudza

Share

MUTASA-Chirongwa chekurima chePfumvudza/Intwasa chegore ra2023/24
chakaparurwa svondo radarika mudunhu reMutasa neHurumende, paine tarisiro
huru yekuti nzira yekugovera zvirimwa inoenderana nemamiriro ekunze
ichabatanidza kuchengetedzwa kwechikafu mudunhu iri.
Manicaland mwaka wadarika yakaita mwaka wechirimo zvakanaka nedunhu
reMutasa serimwe rematunhu akaita zvakanaka mudunhu iri.
Vachitaura pakuparurwa kwechirongwa ichi paMutenha Farm kuHauna,
Agriculture and Rural Development Advisory Services, Chief Director,
Professor Obert Jiri vakayambira varimi nezvekushandisa zvisiri izvo
zvkwanisiro zvePfumvudza nevarimi vose nevakuru veAgritex vachiti vanenge
vawanikwa vasina kurima vachasangana neshamhu yemutemo wenyika.
“Takaita nyaya dzakawanda dzekuti varimi vasina kuzvipira vakawanikwa vari
pamusoro pemazita ekugoverwa kumatunhu nemapurovhinzi. Hunhu hwakadai
haufanirwe kuitwa sezvo izvi zvisingabudiriri munyaya dzekuwana chikafu
chakakwana pamwe nekuchengetedzeka munyika. Avo vachabatwa vachiita
misikanzwa iyi vopedzisira vatengesa zvinhu izvi vachamiswa pamberi pedare
nekuti uku kutyora murayiro waPresident Mnangagwa wekuti vanhu vese
vapihwe zvekushandisa mukusimudzira hupfumi hwenyika,” vanodaro Prof Jiri.
Vatsinhira kuti zvekushandisa zvakagadzirirwa kuti zvishandiswe mukurima
pamwe nekuona kuti mudzimba mune zvekudya mudunhu iri kwete
zvekutengesa sezvo zvekushandisa izvi zvichipihwa pachena pasi pechirongwa
chePresidential Inputs Scheme.

Varimi vanosvika 400 000 vekuManicaland vanonzi vachawana zvekushandisa
pasi pechirongwa chePfumvudza/Intwasa Inputs Scheme sezvo Hurumende ine
chinangwa chekusimudzira goho muchikamu chekurima.
Nekufanotaura kweEl Nino kunokonzera kusanaya kwemvura mumwaka
wa2023/24, Hurumende iri kushandisa simba rose mukuona kuti zvekurima
zvasvika kune varimi nenguva kuti vatange kurima zvakasimba kana
vangowana mvura yekutanga.
Bazi reMeteorological Services rinoti gore rino mvura ichanaya zvakanaka
kusvika pasi penguva dzose apo vakuru veAgritex vachikurudzira varimi kuti
vashandise mvura inonaya zvakanaka.

Next Up