LOADING

Type to search

Nehanda Guardian Provincial Newspapers

Vaviri pamimba yemukadzi mumwe

Share

MAZOWE –VARUME vaviri vanoti Charles Murira naTafadzwa Chiundiza vanogara paLaurencedale Farm kuMazowe vanogona kurwa kana ipi zvayo nguva kana vakashaya mubatsiri nokukasika mushure mekumitisa kwavakaita varume ava vari vaviri kune mumwe mukadzi.

Mukadzi wekumitiswa aidanana nevarume ava panguva imwechete izvo zvakazoita kuti abate pamuviri apo paakutemesa varume vaviri ava musoro.

Kubata pamuviri kwemudzimai wechidiki uyo, anonzi Ethel Kanyasa, ane makore makumi maviri nemashanu ekuzvarwa (25) kwaunza bopoto guru pakati pevarume vaviri ava apo mumwe nemumwe pavarume ava ari kuti pamuviri pane mudzimai uyu ndepake.

Kubvutidzana mimba iyi kwakupinda mumwedzi wepiri apo varume ava vakutotenga nhumbi dzinozopfekwa nemwana kana azobarwa.

Mukadzi wekumitiswa uyu akabvuma kuti akadanana nevarume ava panguva imwe cheteyo, izvo zvakazoita kuti abate pamuviri pane mwedzi mitatu apo paakutemesa musoro. Naizvozvo mudzimai uyu haasi kuziva murume chaiye akamupa pamuviri pacho.

“Ndaifambidzana nevarume ava panguva imwechete, uye wandingati ndiye muridzi wemimba yandinayo ndinganyepe nokuti vose ndaingorara navo pasina dziviriro munguva dzingangoda kufanana,” akadaro Ethel Kanyasa.

Pfungwa yekuti varume ava vaendese mudzimai uyu kunana chiremba kuti mimba igonoongororwa kuti ndeyani haisati yabudirira sezvo pari kutsvagwa mari yekuzoitwa kwebasa rekutsvaga muridzi wemimba iyi.
Mumwe wevarume ava, Charles Murira, ari kuti ane fungidziro huru yekuti mimba ndeyake nokuti mudzimai uyu akambomutaurira kuti ane pamuviri pake.

“Ethel akanditi pamuviri ndepangu saka handione Tafadzwa achizvinetsa panyaya yemwana wangu ari mudumbu remudzimai uyu,” akadaro Charles Murira.

Mumashoko kubva kunaTafadzwa Chiundiza zvinotaridza kuti panodiwa mari kuti mukadzi uyu aende kunoongororwa muridzi wemimba.

“Handimanikidzire kana mimba isiri yangu asi chokwadi chinoburitswa nana chiremba,” akadaro Tafadzwa Chiundiza.

Vamwe vagari venzvimbo iyi vanoti zvakaitwa nemudzimai uyu hazvitaridze hugwaru sezvo zvakuunza bopoto pakati pevarume vaviri ava.

“Dai varume ava vasiyana nemimba yemudzimai uyu nokuti mudzimai wacho haana kudzikama,” akadaro Sharon Tembo.

Kutaura uku kwakatsinhirwa naGift Mpofu, uyo akati mukadzi uyu akataridza hupenzi asi akazokurudzira varume ava kuti vaende nemudzimai uyu kunoongororwa muridzi wemimba nokukasika mimba yacho isati yasvika pazuva rekubarwa.