More
    HomeProvincial NewspapersMbavha dzeMombe Dzobatwa kwaRusape

    Mbavha dzeMombe Dzobatwa kwaRusape

    Published on

    spot_img

    MUTARE-Vaviri vanofungidzirwa kuti makororo emombe vasungwa kwaInyati, kwaRusape
    vachipomerwa mhosva yekuda kuba mombe dzevagari vemumusha wavasingazivi.
    VaTongogara Mandaza (43) naTonderai Chiringa (22) vave kubatsira mapurisa kuferefeta nyaya iyi.
    Mutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland, Inspector Nobert Muzondo, vanoti vagari vemumusha
    weChinhenga 7 B vakauya nevarume vaviri vange vatongwa nemhomho mushure mekunge vakundikana
    kutsanangudza zvinogutsa kushanya kwavo munzvimbo iyi.
    “Varume vatatu vanoti Tongogara Mandaza, Tonderai Chiringa naLovemore Matsika vakatyaira motokari
    yerudzi rweToyota baby quantum ye silver kubva kwaMutoko vachienda kwaChinheng. Kuma5 manheru
    vatatu ava vakanosvika pamusha we7B Chinhenga ndokumisa motokari yavo munzvimbo ine masango
    zvakauunza kunyumwa kuvagari wemumusha umu," vakadaro.
    Vanhu vemuraini vakambotarisa mota iyi kwemaawa akawanda kusvika vaenda kumota iyi vobvunza
    Chiringa zvavaida kuita.
    Chiringa akatadza kupembedza kushanya kwavo uye paakanga achibvunzurudzwa vamwe vake vaviri
    vakasvika panzvimbo iyi.
    VaMandaza naMatsika vakabvunzurudzwa zvakafanana nevagari venzvimbo iyi asi vakatadza zvakare
    kutsanangudza kushanya kwavo uye sarudzo yavo yekupaka.
    “Vagari vemumusha uyu vakaenderera mberi nekusecha motokari iyi vakawana tambo mbiri dzairema
    mamita maviri imwe neimwe, mapanga mana ekugadzira pamba, simbi yemakumbo nechekudhonzesa.
    Zvakaonekwa izvi hazvina kumira zvakanaka kuvagari vemusha vakazorova Mandaza naTongogara apo
    Chiringa akatiza,” vanodaro Insp Muzondo.
    Vaviri ava vakaendeswa kumapurisa ekuChinhenga ayo akazopinda mudare redzimhosva.
    Mapurisa asvika panzvimbo yakamiswa motokari, mapurisa akawana motokari iyi yakapiswa nemhondi
    dzisingazivikanwe.
    VaMandaza naVaMatsika vakaendeswa kuchipatara cheRusape General Hospital vachipomerwa mhosva
    yekuva nemidziyo yekupara mhosva.

    Latest articles

    Zim named among Africa’s top 10 road networks in 2025

    Harare, (New Ziana)- In a move that has won recognition across the continent, Zimbabwe...

    Gaza Death Toll Climbs to 70,360- Ambassador

    Harare, (New Ziana) — The death toll in the Gaza Strip has risen to...

    Zimbabwe’s Trade Deficit Narrows Sharply in October as Exports Surge

    Harare, (New Ziana) —Zimbabwe's goods trade deficit for October this year fell dramatically to...

    Feature -Genetics Play Significant Role in the Development of Cancer

    By Eugenie Muchetu Harare, (New Ziana) –Genetics are known to play a significant role in...

    More like this

    Zim named among Africa’s top 10 road networks in 2025

    Harare, (New Ziana)- In a move that has won recognition across the continent, Zimbabwe...

    Gaza Death Toll Climbs to 70,360- Ambassador

    Harare, (New Ziana) — The death toll in the Gaza Strip has risen to...

    Zimbabwe’s Trade Deficit Narrows Sharply in October as Exports Surge

    Harare, (New Ziana) —Zimbabwe's goods trade deficit for October this year fell dramatically to...
    error: Content is protected !!