More
    HomeProvincial NewspapersVarimi vePfumvudza votanga gadziriro

    Varimi vePfumvudza votanga gadziriro

    Published on

    spot_img

    GLENDALE – NECHINANGWA chekuda kufambirana nekushanduka kwemamiriro
    ekunze apo mvura iri kufungidzirwa kuti inogona kuva shoma mwaka wekurima
    watarisanwa nawo varimi vePfumvudza vakatotanga kare kuita gadziriro yekurima
    mwaka uno.
    Parizvino varimi kubva munzvimbo dzakasiyana-siyana vatove padanho repamusoro
    maringe nenyaya yekurima muchirongwa chePfumvudza icho chakavambwa
    nehurumende neshungu dzekuda kupedza nzara pamhuri imwe neimwe iri munyika.
    Nyangwe zvazvo pasi pachiri pakaoma nekuda kwezuva iro raakupisa zvakanyanya
    asi parizvino varimi vari kuita mabasa akasiyana-siyana ayo anosanganisira kuchera
    makomba ekudyara chibage pamwe nekutara mitsara yekudyara chirimwa
    chesoyabhinzi.
    Pavarimi ava, vamwe ndovari kugadzira madhunduru ekuti kana mvura yonaya
    isazokanganisa mbeu dzavo.
    Mumwe murimi wechirongwa chePfumvudza munzvimbo yeGlendale, VaWisdom
    Mutauri anoti akatotanga kare gadziriro yekurima.
    "Ndakatanga kuchera makomba echibage svondo rakapera uye ndakatopedza.
    Nyangwe pasi pachiri pakaoma asi ndakashingirira kudzamara ndapedza," akadaro
    Wisdom Mutauri.
    Kunzvimbo yeConcession, gadziriro dzakatotanga zvekare apo Samuel Chikanzi
    anoti ari mubishi kuita mitsara yekuzodyara chirimwa cheSoyabhinzi.
    "Hapana chekumirira, takanzwa kuti mvura inogona kuita shoma, saka ndakatotanga
    kutara mitsara yekudyara soyabhinzi kuti tisazosara kana mvura yakutanga
    kunaya,"akadaro Samuel Chikanzi.
    Chirongwa chePfumvudza, chirongwa chinowanisa varimi vadiki mbeu, mishonga,
    fetereza pamwe nemazano akakosha mukurima izvo zvinobatsira zvikuru takatarisa
    nyaya dzine chekuita nebhizimusi rekurima. Chirongwa ichi ndicho zvekare
    chakanunura varimi vadiki avo vaisakwanisa kuwana mombe trakita, magejo, hara
    kana zvikoforo pakurima nekuda kwehurombo. Pfumvudza mucherechedzo mukuru
    wakaitwa neHurumende apo yakarangarira varombo, nherera nechirikadzi, avo vari
    munyaya dzekurima.

    Latest articles

    Warriors to face Burkina Faso and Niger in June friendlies

    Harare, (New Ziana) -The Zimbabwe Football Association (ZIFA) on Tuesday announced two international friendly...

    Zim to host landmark SADC Conservation Summit

    Harare, (New Ziana) - The Southern African Development Community (SADC) will from Monday to...

    Zim delegation in Benin to learn sustainable cotton and oilseed processing strategies

    Harare, (New Ziana) -A high-level Zimbabwean delegation is visiting the Glo-Djigbe Industrial Zone (GDIZ)...

    Dynamos FC to restructure technical team

    Harare,  (New Ziana) - Dynamos Football Club has announced that it will restructure its...

    More like this

    Warriors to face Burkina Faso and Niger in June friendlies

    Harare, (New Ziana) -The Zimbabwe Football Association (ZIFA) on Tuesday announced two international friendly...

    Zim to host landmark SADC Conservation Summit

    Harare, (New Ziana) - The Southern African Development Community (SADC) will from Monday to...

    Zim delegation in Benin to learn sustainable cotton and oilseed processing strategies

    Harare, (New Ziana) -A high-level Zimbabwean delegation is visiting the Glo-Djigbe Industrial Zone (GDIZ)...