More
    HomeAgricultureGadziriro Dzekurima Dzooenderera Mberi Zvakanaka

    Gadziriro Dzekurima Dzooenderera Mberi Zvakanaka

    Published on

    spot_img

    MUTARE-Gadziriro dzemwaka wekurima wa2023/24 dziri kufambira mberi zvakanaka Manicaland
    yakanangana nekuisa mahekita anosvika 265 000 pasi pechibage, yakanangana nekusimudzira goho
    nechikamu chinosvika gumi kubva muzana mumwaka uno.
    Varimi vadiki mudunhu iri vakaenderera mberi nekushandisa nzira dzePfumvudza dzinoita kuti vawane
    goho guru vachishandisa ivhu, mvura nemishonga shoma izvo zvinopa pundutso kuvarimi zvinoonekwa
    nekuwanda kwegoho remwaka wadarika.
    Mukuru weAgricultural Advisory and Rural Development Services kuManicalanbd, VaPhilippa Rwambiwa
    vanoti zvekushandisa zvichagoverwa nenguva kuitira kuti varimi vakwanise kudyara nemvura yekutanga
    kunaya.
    “Gore rino tiri kutarisira kuisa zvakare mahekita 265 000 pasi pechibage. Mwaka wadarika wakatipa
    chibage chakawanda kubva pachinangwa chimwe chete saka tave kutarisa nezvekuvandudza goho pasi
    pehekita imwe chete. Pari zvino takabatwa nekunyoreswa kwevarimi uye tiri kufambisa zvakare
    chirongwa cheelectronic registration chechikamu chechipiri kuitira kuti tikwanise kutevera kugoverwa
    kwembeu. Mushure mekunyoresa kugovewa kwembeu nefotireza yebasal kunotanga kuitira kuti varimi
    vakwanise kusima pamvura yekutanga,” vakadaro Mai Rwambiwa.
    Varimi vakatotangisa gadziriro dzekurima, kuchera makomba uyezve kunyoresa kutorwa
    kwezvekushandisa zvakaita sembeu yechibage, fetereza nemishonga yatove mushishi.
    Nekune rumwe rutivi makambani embeu, fetereza nemishonga avimbisa nyika kuti ane masheya
    akakwana kuti ange achiwedzera kudiwa kwenyika.
    Izvi zvinouya zvichienderana nemwaka wakabudirira zvikuru wa2022/23 apo zvinenge zvese zvakawira
    munzvimbo kubva pakunaya kwemvura zhinji, kusvika pakuwanikwa kwezvekushandisa uye mabasa
    ekuwedzera nenguva.
    Mai Rwambiwa vanoti zvakakoshawo kuti varimi vagare vachitaurirana neveAgriculture Extension
    Officers kuitira kuti vawane mazano anodiwa uye akakodzera.
    Manicaland yakawana goho rematani 412 602 ezviyo mumwaka wekurima wa2022/23 kana
    tichienzanisa nezvaidiwa zvaidiwa zvematani 249 922 zvichipa Manicaland imwe 162 680 matani ezviyo.
    Goho repurovhinzi remwaka uno raive 1,4 tonnes pahekita izvo zvinotarisirwa kuwedzerwa kusvika
    paavhareji yematani 1,6 pahekita mwaka uno.

    Bazi reMeteorological Services Department (MSD) rakaburitsa fungidziro yaro yekunaya kwemvura
    mumwaka wa2023/24, izvo zvinoratidza kuti chikamu chikuru chenyika chinogona kunaya zvakanaka
    kusvika pasi pemazuva ese pakati paGumiguru 2023 naKurume 2024.

    Latest articles

    African, European Business Leaders Urge Stronger Partnerships to Drive Shared Growth

    Harare, (New Ziana) — Governments and institutions from Africa and Europe have been urged...

    ZimRights urges more focus on digital violence against women

    Harare, (New Ziana) – Zimbabwe on Tuesday joined the rest of the world in...

    Simba Bhora dominate soccer stars’ calendar

    THE Castle Lager Premier Soccer League's 2025 Best XI was dominated by 2024 champions...

    Masvingo records 5000 drug abuse cases

    Antony Chawagarira BIKITA -- The fight against drug and substance abuse is intensifying across Masvingo...

    More like this

    African, European Business Leaders Urge Stronger Partnerships to Drive Shared Growth

    Harare, (New Ziana) — Governments and institutions from Africa and Europe have been urged...

    ZimRights urges more focus on digital violence against women

    Harare, (New Ziana) – Zimbabwe on Tuesday joined the rest of the world in...

    Simba Bhora dominate soccer stars’ calendar

    THE Castle Lager Premier Soccer League's 2025 Best XI was dominated by 2024 champions...
    error: Content is protected !!