More
    HomeProvincial NewspapersKurambwa kwemari dzakabvaruka kotemesa musoro

    Kurambwa kwemari dzakabvaruka kotemesa musoro

    Published on

    spot_img

    KURAMBWA kwemari dzakasviba pamwe nedzakabvaruka uko kuri kuitwa neavo
    vanoita zvekutengesa zvakasiyana siyana kuri kuenderera mberi mudunhu
    reMashonaland Central, uye kuita uku kwoshorwa zvikuru nevagari vedunhu iri sezvo
    zvichiunza kutambura apo munhu anenge aine mari yake.

    Dunhu reMashonaland Central idunhu rinoitwa mabasa ekurima, kuchera goridhe
    pamwe nemamwewo mabasa emaoko akasiyana-siyana ayo anoitwa kubva
    munzvimbo iyi nechinangwa chekuti vanhu vararame, asi zvimwe zvakuzoitwa
    mudunhu iri zvinogona kuunza hurombo kuvanhu vazhinji apo vanhu vane mari
    dzakasviba kana dzakabvaruka vasiri kugona kutenga nemari dzerudzi urwu.

    Mumwe mugari wekuMvurwi, Tapson Nherera, akati akambopinda muchitoro chiri
    mudhorobha iri ndokurambirwa mari yake $10 zvichinzi yakange yakabvaruka apo aida
    kutenga hupfu.

    "Zviri kuitwa muzvitoro hazviite ndakarambirwa kutenga hupfu zvichinzi mari yangu
    yakabvaruka", akadaro Tapson.
    Mumwezve mugari wekuChiwaridzo kuBindura, Nelson Dangarembizi, akati
    akarambirwa mari yake $1 mune chimwe chitoro zvichinzi mari yake yakasviba pamwe
    nekubvaruka apo aida kutenga mushonga weshangu.
    "Zvimwe zvacho hazviite ndakatotadza kutenga zvichinzi mari yangu yakasviba uye
    kubvaruka," akadaro Nelson Dangarembizi.

    Kurambwa kwemari nezvikonzero zvekubvaruka pamwe nekusviba kwayo hakusi
    kuitwa mumadhorobha chete nokuti Shyleen Nematombo wekuRushinga kuMt Darwin
    akati ukapinda muchipi nechipi zvacho chitoro kubva munzvimbo iyi mari yake inotanga
    yatarisiswa zvinobva zvatotemesa musoro pakutenga.

    Mashoko aya akada kuenderana nekutaura kwaFreedy Murombedzi wekuGuruve uyo
    akati akapinda muchitoro mari inobva yapenengurwa- penengurwa ichitsvagirwa
    zvipomero.

    "Kurambwa kwemari hakuvake nyika uye kwakutotisvota. Mari inoongororwa kuti zvadii.
    Izvi zvakutoda kuti Hurumende ipindire panyaya yemari iyi", akadaro Freedy.
    Dambudziko rekusemwa kwemari riripo zvekare munzvimbo dzemumapurazi apo
    Tafadzwa Chiremba wekuAshford Farm kuCentenary akati papurazi pavo tsika
    yekurambwa kwemari iripo kunyanya kune avo vanoita zvekutengesera mudzimba.

    Nepfungwa yekuda kupedza nyatwa yekurambwa kwemari, mumwe mugari
    wekuShamva, Gibson Chekutemura, akati kana vanhu vakadzidza kushandisa mari
    zvakanaka dambudziko rekubvaruka pamwe nekusviba kwemari yacho rinopera, uye
    zvinobva zvabvisa kusemwa pamwe nekutarisiswa pasi kwemari yacho pakutenga.

    Latest articles

    African, European Business Leaders Urge Stronger Partnerships to Drive Shared Growth

    Harare, (New Ziana) — Governments and institutions from Africa and Europe have been urged...

    ZimRights urges more focus on digital violence against women

    Harare, (New Ziana) – Zimbabwe on Tuesday joined the rest of the world in...

    Simba Bhora dominate soccer stars’ calendar

    THE Castle Lager Premier Soccer League's 2025 Best XI was dominated by 2024 champions...

    Masvingo records 5000 drug abuse cases

    Antony Chawagarira BIKITA -- The fight against drug and substance abuse is intensifying across Masvingo...

    More like this

    African, European Business Leaders Urge Stronger Partnerships to Drive Shared Growth

    Harare, (New Ziana) — Governments and institutions from Africa and Europe have been urged...

    ZimRights urges more focus on digital violence against women

    Harare, (New Ziana) – Zimbabwe on Tuesday joined the rest of the world in...

    Simba Bhora dominate soccer stars’ calendar

    THE Castle Lager Premier Soccer League's 2025 Best XI was dominated by 2024 champions...
    error: Content is protected !!