More
    HomeProvincial NewspapersMadzishe nemasabhuku vokurudzirwa kutungamira kurwisa mhirizhonga mudzimba

    Madzishe nemasabhuku vokurudzirwa kutungamira kurwisa mhirizhonga mudzimba

    Published on

    spot_img

    Madzishe nemasabhuku munharaunda dzakasiyana-siyana vanofanirwa kutora
    danho remberi pakurwisana nenyaya dzemhirizhonga dzinoitika mudzimba kuitira
    kuti matunhu ave nerunyararo.

    Dr Aplonia Munzverengwi vanova Gurukota Rinoona Nezvekusimudzirwa
    Nekufambiswa Kwemabasa mudunhu reMashonaland East vakatura mashoko aya
    pakuparurwa kwechirongwa che16 Days of Activism Against Gender Based Violence
    paMpatsi Secondary School kuChikomba munguva pfupi ichangodarika.

    Pachiitiko ichi, vainge vakamiririrwa nemukuru anoona nezvezvivakwa
    nekuchengetedzwa kwenharaunda, Bella Manyakara, uye vakati kune vanhu
    vanonyangadza kana kushungurudza vanakomana nevanasikana vachihwanda
    neminwe wekuti zviri mutsika dzavo uye kuita uku kunofanirwa kupedzwa zvachose.

    Vakati: “Patiri kuparura chirongwa chino, ndinoda kukumbirisa kuti vatungamiri
    vemunharaunda dzedu vanova masabhuku nemadzishe vabatsirise mukuumbiridza
    nekukurudzira kuti vanhu vange vachigarisana zvakanaka mudzimba. Hatikurudzire
    kurwisanana, kupopotedzana kana dzimwewo tsika dzinokonzeresa nyonga-nyonga
    mumhuri. Tinozviziva kuti kune vanhu vanoshungurudza kana kukanganisa
    vanakomana nevanasikana vachiti vanenge vachizviita muzita retsika dzavo asi
    tinoti kuita kwakadai kunofanirwa kusvipirwa pasi imbwa dzinhonge.

    “Mumagariro edu, tinofanirwa kufumura vose vanoita izvi nekuti kuita kwavo uku
    kunokanganisa revechidiki vanova vatungamiri vamangwana. Vanofanirwa
    kusungwa vopihwa mitongo inoenderana nemhosva dzavanenge vakoromora
    zvisinei nekuti ndivanaani. Chivanhu chedu kana zvechitendero hapana
    pazvakambokurudzira kuti vechidiki vashungurudzwe.

    “Nekudaro, ndinodazve kupa kurudziro yekuti zvizvarwa zvose zvemunyika yedu
    zvirwise nhau dzemhirizhonga nekumwe kuita kunonyangadza. Ngatigarofungei
    nezvevasikana nemadzimai, zvanamai nehanzvadzisikana dzedu uye zvanababa
    nehanzvadzikomana dzedu. Hatidi mhirizhonga mudzimba zvachose.”

    Mukurwisana nenhau yemhirizhonga mudzimba, Hurumende yakatora matanho
    nekupa zvisungo zvinobatsiridza kuti mwanasikana ange achiziva nezvekodzero
    dzake uye ange achikwanisa kuzvisarudzira mamiriro aanoda kuti ramangwana rake
    ringe rakaita.

    “Mubandiko rezvedzidzo, tine chisungo chekuti mwanasikana anoramba achienda
    kuchiko kunyangwe mushure mekunge abata pamuviri. Iyi ndeimwe yenzira
    yekubatsira mwanasikana kuti akwanise kupedza zvidzidzo zvake kunyangwe
    akanganisika zvinova zvinozoita kuti ave neramangwana rakanaka. Tinoona kuti

    huwandu hwevanasikana vari kuroorwa kana kuroodzwa vari vadiki hwakakura
    kudarika hwevanakomana vari kuitiswa zvemwechetezvo. Izvi ndizvo zvezvimwe
    zvinozokonzersa kuti huwandu hwevanakomana vanokwanisa kupedza zvidzidzo
    zvavo hunge hwakakura kudarika kudarika hwekudivi revanasikana.

    "Mhedzisiro yazvo ndeyekuti vanasikana vanokurumidza kuroorwa kana kuroodzwa
    vanozongoramba vari mukutambura nekuti vanenge vasina kuwana dzidzo kana
    zivo iri maererano nehupenyu yakafanira zvinova zvinozovashaisa mabasa,
    kuwanawo zvigaro zvehutungamira kana kuziva zviri maererano nezvehutano
    hwavo,” Dr Munzverengwi vakadaro.

    Mukuru wemapurisa mudunhu reMashonaland East, Commissioner Grace Ndou
    vakakurudzirawo kuti vabereki vachengetedze vanasikana vavo, vovabatsiridza kana
    kutsigira kuumba ramangwana ravo.

    Vakatizve semapurisa, vachangoramba vachishanda kuedza kudzivirira kuparwa
    kwemhosva munharaunda.

    Commissioner Ndou vakati: “Semapurisa, tine zvirongwa zvakawanda zvatiri kuita
    mukuedza kudzidzisa veruzhinji nenyaya yehuipi hwemhirizhonga mudzimba
    nekuroodzwa kwevana vadiki.

    “Sevabereki, mune basa guru rekuona kuti hupenyu neramangwana revana venyu
    zvachengetedzeka. Garai muchiongorora mafambiro avo uye zvose zvavanoita zuva
    nezuva.”

    Latest articles

    African, European Business Leaders Urge Stronger Partnerships to Drive Shared Growth

    Harare, (New Ziana) — Governments and institutions from Africa and Europe have been urged...

    ZimRights urges more focus on digital violence against women

    Harare, (New Ziana) – Zimbabwe on Tuesday joined the rest of the world in...

    Simba Bhora dominate soccer stars’ calendar

    THE Castle Lager Premier Soccer League's 2025 Best XI was dominated by 2024 champions...

    Masvingo records 5000 drug abuse cases

    Antony Chawagarira BIKITA -- The fight against drug and substance abuse is intensifying across Masvingo...

    More like this

    African, European Business Leaders Urge Stronger Partnerships to Drive Shared Growth

    Harare, (New Ziana) — Governments and institutions from Africa and Europe have been urged...

    ZimRights urges more focus on digital violence against women

    Harare, (New Ziana) – Zimbabwe on Tuesday joined the rest of the world in...

    Simba Bhora dominate soccer stars’ calendar

    THE Castle Lager Premier Soccer League's 2025 Best XI was dominated by 2024 champions...
    error: Content is protected !!