More
    HomeMasvingo StarMazhanje owedzera chirwere

    Mazhanje owedzera chirwere

    Published on

    spot_img

    MAZHANJE awonekwa seimwe nzira iri kuwedzera kufambisa chirwere chekorera
    nokuda kwekuti vanhu havasi kugeza muchero uyu vasati vadya.
    Chirwere chemanyoka ichi chinokonzerwa nekusavapo kweutsanana kana kudya
    zvikafu zvisina kugezwa kunyanya michero inotengeswa pasina mvura yakakwana.
    Vamwe vanofararira muchero uyo vanototaura kuti unonyatsovanakira kana vasina
    kuaasi mumvura izvo zvinova zvimwe zvirikuita kuti hondo yekuparadza chirwere ichi
    inonoke kukundika.
    Mukuru wezvekufambiswa kwemashoko mudunhu reMasvingo VaRogers Irimai
    vakati vanhu vanofanira kuti vadye zvokudya zvakagezwa kudzivirira kutekeshera
    kwechirwere.
    Chirwere ichi chanyanyobata kuZaka, Chiredzi, Gutu, Bikita neMasvingo. Nemusi
    weChitatu svondo rapfuura Masvingo yakanga yava nevanhu vakabatwa nechirwre
    ichi vanosvika mazana matanhatu nemakumi mana nemana (644) uye makumi
    maviri nepfumbamwe (29) vakafa.
    “Imwe nyaya yanetsa muno munyika medu nematunhu edu yeMasvingo inyaya
    yemazhanje neimwe michero nekuti vanhu varikudya mazhanje vasina kumbogeza
    kana kugeza maoko avo izvozvo zvinogona kukonzera kuti korera ipararire
    zvakanyanya.”
    “Kurudziro yedu ndeyekuti panodyiwa pose chinenge chambobatwa-batwa nevamwe
    vanhu, vanhu vanofanira kutanga vachigeza iwo pachavo maoko avo
    akashambidzikawo.Tinofanira kuti tidye chikafu chakachena kudzivira korera
    nezvimwe zvirwere zvemanyoka.”
    Munguva ino mazhanje ndiwo muchero unonyanya kutengwa nevanhu pamigwagwa
    uye achiunza pundutso kuvanhu vazhinji.

    Latest articles

    African, European Business Leaders Urge Stronger Partnerships to Drive Shared Growth

    Harare, (New Ziana) — Governments and institutions from Africa and Europe have been urged...

    ZimRights urges more focus on digital violence against women

    Harare, (New Ziana) – Zimbabwe on Tuesday joined the rest of the world in...

    Simba Bhora dominate soccer stars’ calendar

    THE Castle Lager Premier Soccer League's 2025 Best XI was dominated by 2024 champions...

    Masvingo records 5000 drug abuse cases

    Antony Chawagarira BIKITA -- The fight against drug and substance abuse is intensifying across Masvingo...

    More like this

    African, European Business Leaders Urge Stronger Partnerships to Drive Shared Growth

    Harare, (New Ziana) — Governments and institutions from Africa and Europe have been urged...

    ZimRights urges more focus on digital violence against women

    Harare, (New Ziana) – Zimbabwe on Tuesday joined the rest of the world in...

    Simba Bhora dominate soccer stars’ calendar

    THE Castle Lager Premier Soccer League's 2025 Best XI was dominated by 2024 champions...
    error: Content is protected !!