CHINHOYI – MURUME anogara kuRuvimbo muChinhoyi anoti mibato yemaoko ndiyo
inoraramisa iye nemhuri yake.
Kulekani Kangausaru, uyo ane makore makumi maviri nemapfumbamwe, akati kuti
azokwanisa kuita basa rekuruka zvigaro zvetsanga hazvaiva nyore sezvo zvaishorwa
nevabereki vake.
Achitaura nebepa Nhau rino pabasa pake muChinhoyi, akati akatanga basa iri ari
mudiki achiri kuenda kuchikoro.
“Ndakatanga basa iri ndiri kumusha kuHurungwe kunonzi kwaMambo Chimusimbe.
Ndakatanga ndichingotumwa nevamwe sekuru vaigara pedyo nesu kumusha ndivo
vairuka macheya etsanga. Vakatanga vachinditi purura tsanga ndichibvisa zviya
zvisingadiwi.
Vakazotanga kundidzidzisa kutsemura tsanga kudzamara vakutonditi ruka. Ndiwo
matangiro andakaita.
Kangausaru akazowedzera achiti muna 2005 akazosiya kuruka nokuti ainge ave
kunodzidza kuHarare.
Akazotaurazve achiti paakadzokera kumusha akawana sekuru vaya vafa asi akatanga
kudzidzisa vana vavo kuruka tsanga nemurara sezvo vasava nehanya nazvo pazvaiitwa
nababa vavo.
Adzokera kuHarare akatanga kuruka zvigaro zvekugarira zvaihodhwa nevamwe
vachinotengesa kuSouth Africa.
Anoti pakapera bhora repasirose rinonzi muchirungu World Cup akafunga kuzogara
kuChinhoyi kwaakazowana mudzimai wake vakaita mwana mukomana.
“Ndakugara kuno kuChinhoyi, vanhu vaiuya nemifananidzo yezvinhu zvakasiyana
siyana zvinosanganisira mapicnic basket, dog basket, cot beds, washing baskets, nema
machair esimbi andinozoisa mirara yeplastic. Ndakadzidza kuzvigadzira ndoga
ndichiona mifananidzo.
“Vana vekuCUT vanotouuya ndichivadzidzisa kuruka pavanenge vachiita zvidzidzo
zvavo zvemaoko,” akadaro Kangausaru.
Murume uyu anogadzira zvakare maruva epama kuva, meti dzepamukova uye
zvokubvisisa matandaude pamatenga nepambariro dzedzimba zvinonzi muchirungu
feather dusters.
Zvigadzirwa zvetsanga zvemhando inogadzirwa nemurume uyu zvino nyanyo wanikwa
munzvimbo dzokutandarira kunosvikira navo vanoshanyira kumafura mhepo.


