More
    HomeProvincial NewspapersMvura yonetsa muChinhoyi

    Mvura yonetsa muChinhoyi

    Published on

    spot_img

    NaFarai Chikore

    DAMBUDZIKO rekushaikwa kwemvura muChinhoyi harichina mugoni. Mvura yepapombi inoshandiswa nevagari haichakwani pave kutodiwa hurongwa hutsva kuti dambudziko iri ripere.

    Izvi zvakataurwa nemukuru wezve zvivakwa mudhorobha iri vaSimon Marara.
    VaMarara vakati Chinhoyi ine nzvimbo mbiri dzinopombwa mvura yakatsutswa inosvika mamirion makumi maviri asi yakakodzera inofana kusvika mamirioni makumi matanhatu.

    Vakati Chinhoyi yave nevanhu vakawanda uye inopindwa nekubuda nevanhu vano ishanyira vachivinga zvakasiyana siyana sezvo iri iyo moyo wenharaunda yeMashonaland West.

    Vanhu vemu Chinhoyi vanosvika zvuuru zana uye vamwe vanhu vangangosvika zvuuru gumi vanoshanyira nekudarika nemu nzvimbo iyi. Vose ava vanoda mvura yokushandisa.

    Simon Mukundu, uyo anogara kuWard 4 muChinhoyi, akati mumiriri weChinhoyi muParamende anova mazvikokota wezvivakwa vaLesiely Mhangwa havana zvavarikuita.

    Mukundu akaenderera mberi achiti vaMhangwa vakaita musangano wemvura pahotera usina kuunza pundutso achiti daivakashandisa mari yavo kutenga matangi anotakurika vogadzika mumisha tarakita yekanzuru ichiwunza mvura vanhu votorera pedyo zvaitova nani.

    Akamhura nzira yakashandiswa pamusangano wemvura achiti ndeye kuda kushamisira isina chinozobatika chainoburitsa.

    Akapa muenzaniso achiti vaChidzomba avo vakakundwa musarudzo dzekumiririra Chinhoyi mudare reParamende vakaita basa guru sezvo vakaisa zvibhorani zvechizvino zvino izvo zviri kubatsira veruzhinji panguva yakaoma kudai.

    VaJustin Munyaradzi vakatsigira vaMhangwa vachiti zvemvura hazvinei nechekuita nemumiriri weParamende asi makanzuru ayo ari kukundikana mumadhorobha nekumaruva.

    “Nyaya haisi pakungoshora munhu, ngationeo zvipingaidzo zviri munyika yose kana kumamisha hakuna chiri kuiitika makanzura eko ndiwo arikungodya mari dzekanzuru vasina kana chavari kuita. Madhamu akapozhoka kare mabhiriji akaenda nemvura migwagwa haichafambika asi vanhu vanongotarisa kurutivi rwumwe chete,” vakadaro vaMunyaradzi.

    Mumwe mugari weku Ruvimbo asina kuda kudomwa nezita akati pane mushandi wekanzuru yeChinhoyi aipiwa mari yechiooko muhomwe kuti avhare pombi dzinofambisa mvura achivhurira kurutivi rwevaya vanenge vamupa mari.

    Kanzura weWard 8 vaDavid Malunga vachitaurira vanhu mumusangano wechigarisano wakarongwa neMedia Centre yakabatana neChinhoyi Residents’ Trust vakati mushandi aiita tsika yokutamba chamutengure nepombi achishandisa ruzivo rwemafambiro emvura akabatwa akasiiswa basa.

    Telegraph yakazoda kunzwisisa nezve nyaya yemushandi uyu vaMalunga vakati zvavakataura pamusangano ndozviripo vachiti havabvumirwi kutaura nezve mushandi zvinotaurwa chete nemukuru wevashandi.
    Mvura muChinhoyi inobuda papombi kamwe chete pasvondo munzvimbo dzakasiyana siyana asi munzvimbo dzakadzikira inobuda zuva roga roga kwenguva pfupi pfupi.

    Vagari vemu Chinhoyi vaipopota pama dandemutande vachinyunyuta nokuiswa kwakaitwa mitero yemvura kumari yekuAmerica kwakaitwa nekanzuru yeChinhoyi.

    Pepa remvura muzvimbo dzino gara veruzhinji riri kuuya rakaiswa mari inosvika makumi matatu emadhora, mari iyi inosanganisira, mari yakatatirwa kutakurwa kwemabinhi, kufambiswa kwetsvina yemuzvimbuzi uye imwe inongonzi ndeye mutero asi mvura ndiyo inenge iine mari yakawanda apo isiri kubuda.

    Latest articles

    Media Must Expose Healthcare Failures to Protect Citizens — CIMAS CEO

    CIMAS chief executive officer Vulindlela Ndlovu has urged the media to continue playing its...

    Daughters of Virtue to host long awaited Thanks Giving Camp

    Staff Writer Daughters of Virtue (DOV) from Wednesday November 26 to Saturday 29...

    President Mnangagwa hails General Sibanda’s 51 years of service as ZDF leadership changes hands

    Harare, (New Ziana) — President Emmerson Mnangagwa on Monday presided over the handover and...

    Fake Medicines Killing 100k People in Africa Annually-COMESA

    Bulawayo, (New Ziana)-The Common Market for Eastern and Southern Africa (COMESA) has warned that...

    More like this

    Media Must Expose Healthcare Failures to Protect Citizens — CIMAS CEO

    CIMAS chief executive officer Vulindlela Ndlovu has urged the media to continue playing its...

    Daughters of Virtue to host long awaited Thanks Giving Camp

    Staff Writer Daughters of Virtue (DOV) from Wednesday November 26 to Saturday 29...

    President Mnangagwa hails General Sibanda’s 51 years of service as ZDF leadership changes hands

    Harare, (New Ziana) — President Emmerson Mnangagwa on Monday presided over the handover and...
    error: Content is protected !!