CHINHOYI – MUDZIMAI ari kukwikwidza akamirira National Constitutional Assembly
(NCA) muChinhoyi Ward yechitatu anoti anohwina sezvo ari kukwikwidzana nevarume
ari iye woga mukadzi.
Auxilia Karavina arikuona iye achihwina achiti ward yake yakapedzesera kuva
nemumiriri wechidzimai karesa.
“Handinei nokuti ndiri kukwikwidzana nevarume, asi rwendo rwuno ndezvedu
semadzimai sezvo tirisu tinosanga nematambudziko mazhinji mudzimba.
“Mvura ikasabuda ana amai vanotoenda kunotsvaga mvura, magetsi akaenda
unotonotsvaga huni. Madzimai akazvitakura ndovanowanda kuma clinic, matambudziko
ese iwaya anotoda munhu anomanzwisisa,” akadaro Karavina.
Karavina akawedzera achiti akakunda musarudzo achaita kuti zvemitambo yenhabvu
zvivandudzwe sezvo ari mutsigiri mukuru wezvikwata zvenhabvu mudhorobha
reChinhoyi.
“Munozviziva kubhora handishaikwi every game rinotambwa muChinhoyi Stadium
ndinenge ndiriko. Saka ndikangopinda chete bhora remu Chinhoyi rabudirira,” anodaro
mumiriri weNCA.
Musarudzo dzakadarika nzvimbo iyi yakahwinwa nakanzura aripo akamiririra MDC
Alliance, bato riri kutonga rakadyiwa rakazvivhiringa nekuisa vanhu vaviri munzvimbo
imwe chete mushure mokunga paita gakava pakutsvaga mumwe chete aidiwa.
John Muzavazi ari kukwikwidza akamirira Zanu PF akatiwo arikuona achihwina sezvo
vatsigiri vebato iri vose vakabatana kumuvhotera pasarudzo dzokutsvaga anomirira
bato ravo munzvimbo yavo.
Ukuwo Richard Vitrinue we CCC anotiwo ari kudzoka mukanzuru, achiti vatsigiri vake
vanomuda ndosaka vari kuramba vachimuvhotera.
Vitrinue anenge achikwikwidza kechitatu sezvo paaka kwikwidza kekutanga ainge
akamirira MDC Alliance akadzingwa kubato reMDC-T akazodzoka akamirira CCC pama
by-elections.
Mumwe ari kukwidza pachizvimbo ichi ndiMartin Dumbura, uyo ari kukwidza kechipiri
akazvimirira achiti vanhu vaakadzingwa navo kuMDC-T ndovakamukanganisa
kukwikwidza akamirira bato iri. Vanhu vamwechetevo vakadzokororodza utsotsi
pasarudzo dzeCCC zvakamugumbura zvakare saka ava kukwikwidza akazvimiririra.
Ward iyi inzvimbo inogara veruzhinji, yakapedzesera kuwana mumiriri wechidzimai kare
kare panguva yakwaiva naAmai Chipo Chakweza vaiva vari veZanu PF, avo vakaita
kuti nzvimbo iyi ivewo nemingwagwa ine tara kubva panguva iyoyo migwagwa iyi haina
kuzombowana anoiriritira kudzamara yaparara sezvairi nhasi.


