More
    HomeProvincial NewspapersNdohwina chete: mumiriri weNCA

    Ndohwina chete: mumiriri weNCA

    Published on

    spot_img

    CHINHOYI – MUDZIMAI ari kukwikwidza akamirira National Constitutional Assembly
    (NCA) muChinhoyi Ward yechitatu anoti anohwina sezvo ari kukwikwidzana nevarume
    ari iye woga mukadzi.
    Auxilia Karavina arikuona iye achihwina achiti ward yake yakapedzesera kuva
    nemumiriri wechidzimai karesa.
    “Handinei nokuti ndiri kukwikwidzana nevarume, asi rwendo rwuno ndezvedu
    semadzimai sezvo tirisu tinosanga nematambudziko mazhinji mudzimba.
    “Mvura ikasabuda ana amai vanotoenda kunotsvaga mvura, magetsi akaenda
    unotonotsvaga huni. Madzimai akazvitakura ndovanowanda kuma clinic, matambudziko
    ese iwaya anotoda munhu anomanzwisisa,” akadaro Karavina.
    Karavina akawedzera achiti akakunda musarudzo achaita kuti zvemitambo yenhabvu
    zvivandudzwe sezvo ari mutsigiri mukuru wezvikwata zvenhabvu mudhorobha
    reChinhoyi.
    “Munozviziva kubhora handishaikwi every game rinotambwa muChinhoyi Stadium
    ndinenge ndiriko. Saka ndikangopinda chete bhora remu Chinhoyi rabudirira,” anodaro
    mumiriri weNCA.
    Musarudzo dzakadarika nzvimbo iyi yakahwinwa nakanzura aripo akamiririra MDC
    Alliance, bato riri kutonga rakadyiwa rakazvivhiringa nekuisa vanhu vaviri munzvimbo
    imwe chete mushure mokunga paita gakava pakutsvaga mumwe chete aidiwa.
    John Muzavazi ari kukwikwidza akamirira Zanu PF akatiwo arikuona achihwina sezvo
    vatsigiri vebato iri vose vakabatana kumuvhotera pasarudzo dzokutsvaga anomirira
    bato ravo munzvimbo yavo.
    Ukuwo Richard Vitrinue we CCC anotiwo ari kudzoka mukanzuru, achiti vatsigiri vake
    vanomuda ndosaka vari kuramba vachimuvhotera.
    Vitrinue anenge achikwikwidza kechitatu sezvo paaka kwikwidza kekutanga ainge
    akamirira MDC Alliance akadzingwa kubato reMDC-T akazodzoka akamirira CCC pama
    by-elections.

    Mumwe ari kukwidza pachizvimbo ichi ndiMartin Dumbura, uyo ari kukwidza kechipiri
    akazvimirira achiti vanhu vaakadzingwa navo kuMDC-T ndovakamukanganisa
    kukwikwidza akamirira bato iri. Vanhu vamwechetevo vakadzokororodza utsotsi
    pasarudzo dzeCCC zvakamugumbura zvakare saka ava kukwikwidza akazvimiririra.
    Ward iyi inzvimbo inogara veruzhinji, yakapedzesera kuwana mumiriri wechidzimai kare
    kare panguva yakwaiva naAmai Chipo Chakweza vaiva vari veZanu PF, avo vakaita
    kuti nzvimbo iyi ivewo nemingwagwa ine tara kubva panguva iyoyo migwagwa iyi haina
    kuzombowana anoiriritira kudzamara yaparara sezvairi nhasi.

    Latest articles

    African, European Business Leaders Urge Stronger Partnerships to Drive Shared Growth

    Harare, (New Ziana) — Governments and institutions from Africa and Europe have been urged...

    ZimRights urges more focus on digital violence against women

    Harare, (New Ziana) – Zimbabwe on Tuesday joined the rest of the world in...

    Simba Bhora dominate soccer stars’ calendar

    THE Castle Lager Premier Soccer League's 2025 Best XI was dominated by 2024 champions...

    Masvingo records 5000 drug abuse cases

    Antony Chawagarira BIKITA -- The fight against drug and substance abuse is intensifying across Masvingo...

    More like this

    African, European Business Leaders Urge Stronger Partnerships to Drive Shared Growth

    Harare, (New Ziana) — Governments and institutions from Africa and Europe have been urged...

    ZimRights urges more focus on digital violence against women

    Harare, (New Ziana) – Zimbabwe on Tuesday joined the rest of the world in...

    Simba Bhora dominate soccer stars’ calendar

    THE Castle Lager Premier Soccer League's 2025 Best XI was dominated by 2024 champions...
    error: Content is protected !!