More
    HomeProvincial NewspapersNguva zhinji vanhu vanobata chibharo ihama kana kuti vepedyo

    Nguva zhinji vanhu vanobata chibharo ihama kana kuti vepedyo

    Published on

    spot_img

    NaBathel Shuro

    CHINHOYI – Kazhinji kacho mabhinya anombunyikidza vanhu kuenda pabonde vasingade vanenge vari vekuziva kusanganisira hama chaidzo.
    Pahurukuro neTelegraph Mai Kim, avo vanova mugari wemuChinhoyi, vanoti hazvitarisirwe kuti hama ingadaro.
    “Dzimwe nguva hazvioneki kuti hama ingadaro asi pfungwa yacho yozomupinda vanhu vabuda asara ega nemwana.
    “Dzimwe nguva zvinooneka pamatambiro emunhu, kana achida zvekungobata-bata nekumhanyisana nemwana munhu iyeye haafanire kusiwa ega nemwana.”
    Vakabatawo zvakare nyaya yekuti kunyanya kuvasikana vanopfeka sekunge vakashama vanoita kuti mukana yekubatwa chibharo ivepo.
    “Mamwe mapfekero anoita vasikana vanenge vati kurei haaitiwo, ndiwo mamwe anokonzeresa. Vasikana ngavapfeke zvinhu zvine hunhu, vasatore hunhu hwemumafirimu, ngavapfeke zvinovhara muviri.”
    Nemashoko mashomanana vakagadzika zidemo kuvanhurume vanozviregerera vachiita ruchiva.
    “Uyezve varume ngavakwane, brain dzavo ngadzidhonze,” vakadaro Mai Kim.
    Vakakurudzira veruzhinji kusasekerera vanhu vanotamba matambiro akafumuka, uye vanotaura zvinyadzi zviri nani kutorega kutaura navo.
    Tendai Moyo akakurudzira kuchenjerera vanhu vanoshandisa zvinodhaka nekuti kana vabatwa nazvo hapana anenge ari hama.
    “Dambudziko revanhu vanobata chibharo nderekuti vamwe vacho vanozviita kana varova mutoriro nezvimwewo zvinodhaka saka anenge ari padhuze ndiye anongobatwa.
    “Vanhu vanotengesa mutoriro ngavasungwe nekuti vacho vanenge vadhakwa nemutoriro ndivo vanozobata chibharo.”
    Tinashe Chibaya akaratidza kubatikana zvikuru nekuti nyaya iyi inonetsa kudzivirira nekuti zvinozongoyerekana zvaitika pasina fungidziro.
    “Problem iri pakuti ukaramba kugara nehama hunenge hwatove hutsinye nekushaya rudo asi manje munhu wacho waurikuda kubatsira ndiye anozoita muvengi wako akubatira mwana kana chero imwe hama yepedyo.”

    Latest articles

    President Calls for Content that Reflects Community Hopes

    Bulawayo, (New Ziana)-President Emmerson Mnangagwa has implored the nation to leverage on available communication...

    Churches partner gvt in HIV fight

    Harare, (New Ziana) - Religious leaders have pledged stronger support for the Prevention of...

    Prof Mthuli defends new VAT rate, announces revision of gold royalty proposal

    Harare, (New Ziana)- Finance, Economic Development and Investment Promotion Minister, Prof. Mthuli Ncube has...

    New Development Bank of BRICS: driver of growth for Global South countries

    In 2025 the NDB marked its 10th anniversary. Throughout this time, being essentially the...

    More like this

    President Calls for Content that Reflects Community Hopes

    Bulawayo, (New Ziana)-President Emmerson Mnangagwa has implored the nation to leverage on available communication...

    Churches partner gvt in HIV fight

    Harare, (New Ziana) - Religious leaders have pledged stronger support for the Prevention of...

    Prof Mthuli defends new VAT rate, announces revision of gold royalty proposal

    Harare, (New Ziana)- Finance, Economic Development and Investment Promotion Minister, Prof. Mthuli Ncube has...
    error: Content is protected !!