LOADING

Type to search

World

Nyakubhinya mwana otarisana netirongo

Share

NaRopafadzo Chigona

MARONDERA- Murume wekwa Seke osungirwa mhosva yekubata mwanasikana anemakore maviri chibharo.

Muchiitiko chakashamisa vazhinji, mumwe murume wekwa Seke akasungwa nemapurisa mushure mekunge abata mwanasikana anemakore maviri nemwedzi inoverengeka chibharo. Zvirikunzi musiwa 31 Ndira mugore rino mangwanani, mumwe mukadzi anemakore 34 anogara mudunhu rinonzi Maripiko akasiya mwanasikana wake akarara mumba achienda kwevavakidzani vacho kunopa madhadha zvokudya.

Mutauriri wemapurisa mu Mashonaland East Province Inspector Simon Chazovachiyi vakatsinhira chiitiko chenyaya iyi.

” Murume uyu aona kuti amai ava havapo anotora mukana iwowu kuenda mumba mavo kwavakutakura mwana kwavakuenda naye pakavanzika asi pari pachivanze pamai ava. Asvika pakavanda murume uyu anobata mwana chibharo, Mai vemwana vakangoerekana vadzoka ndokusvikira murume uyu.

Zvirikunzi murume uyu akambozama kutiza asi vamwe vagari vemunharaunda umu vakabatsirana kumubata ndokuenda naye kukamba ya mapurisa. Mapurisa epa Dema akazoongorora nyaya iyi murume uyu akasungwa, mwanasikana akabva aendeswa ku chipatara kunoongororwa ku Chitungwiza. Vana muzvinakoti vakatsinhira uye kubvumira kuti chokwadi mwana akanga abatwa chibharo.

Ongororo dzichirikuenderera mberi panyaya iyi.