LOADING

Type to search

World

Osungirwa mhosva yekuuraya

Share

NaAgness Chaya

MARONDERA- Munguva pfupi ichangodarika, mapurisa ekwaMurehwa akasunga Peace Taroiwa uyo ane makore gumi nemasere ekuberekwa wemudunhu raSabhuku kwaMambo Mangwende nekuda kwemhaka yekuuraya Onias Honye (ane makore makumi matatu nematatu ekuberekwa).

Honye anonzi akange achangobva kumafaro uko akange ambotandara kwenguva yakareba mushure mekunge asangana neshamwari yake Taroiwa paDapandove Business Centre.

Vaviri ava vanonzi vakazova nekukavadzana pakati pavo vari muimba inotambirwa mutambo vesnooker. Pakutadza kunzwisisana kwavo, nyakupomerwa mhosva yekuponda uyu, Taroiwa, akasandudzira Honye zvine chisimba mukati.

Pakusandudzirwa kwaakaita, mushakabvu akadonha negotsi akatemera pakona yebhenji rakavakwa nesamendi akatanga kuyerera ropa rakawanda zvichiratidza kuti ainge akuvara zvakanyanyisa.

Mushure mekuona kuti ainge akonzeresa kuti shamwari yake ikuvare zvakadaro, Taroiwa akazama kumufefetudza asi hapana chazvakabatsira zvinova zvakaita kuti abve panzvimbo iyi achisiya mumwe wake akangoti rabada kudaro.

Honye anonzi akazofefemuka papera chinguva akatanga kumberereka pamuzinda wemabhizimisi paDapandove apa pazuva rakatevera.

Akaonekwa naambuya vake, Elizabeth Guze (vane makore makumi masere nemashanu) avo vakakazomuratidza nzira inonanga kumba kwake. Akaedza kuenda kumba kwake asi akazodonha asarirwa nechinhambwe chingasvike mamita mazana makumi maviri kuti asvike pamba pake.

Mbuya Guze vanonzi vakazotsvaga vanhu vakavabatsira kutaukura muzukuru wavo kunomusiya kumba kwake uye mukumhan’arwa kwakaitwa nyaya iyi, vakazoenda kumba kwake rechimangwana racho nechinangwa chekuonoona kuti ainge arara sei.

Vakamuwana achidzimbikana nemuviri zvakanyanya vakatsvaga muchovha wekuti vamuendese kuchipatara chekwaMurehwa. Vari munzira kudaro, mushakabvu akafuga rake ega.

Inspector Chazovachiyi vakati mhosva iyi yakamhan’arwa kumapurisa ekuMurehwa Police Station uye pakunyorwa kwenyaya ino, ferefeto tezvakanyatsoitika yaienderera mberi.