More
    HomeProvincial NewspapersVapositori vafunga bhizimusi

    Vapositori vafunga bhizimusi

    Published on

    spot_img

    CHEGUTU – RIMWE boka reJohanne Masowe Chishanu Jerusarema rafunga
    kumutsa bhizimusi kuitira kuzobatsira vatendi vesangano iri kana vachinge vawirwa
    nematambudziko akaita sekurwarirwa kana kufirwa.
    Mukuru weboka iri, Edson Chidavaenzi, uyo anozivikanwa nevateveri vake nezita
    rekuti Madzibaba Pauro, akati anoona chirongwa chavo chichibudirira zvikuru.
    Akati zvinorwadza zvikuru kuona mupositori achinetseka asina kana nechii chose
    chingabatsire.
    Madzibaba Pauro vanoti vakataurirana ndokuwirirana nevavanonamata navo
    parenje pavo kuti vaite mukando zvishoma zvishoma kusvika mumwedzi
    waChikunguru.
    Mutendi mumwe nemumwe akufanira kukanda mari ingaite madhora mana kusvika
    panguva yakatarwa. Pedzezvo mari yacho yobatanidzwa kuti sangano iri ritange
    bhizimusi rechitoro chidiki chezvekudya nezvimwewo (tuckshop).
    "Tiri kutarisira pundutso kubva ipapa. Zvakaoma kuti tinogona kurwarirwa
    nemupositori isu sesangano toshaya kana chimwe hacho chatobatsira nacho.
    Pamwe tofirwa tobva tashaya kana pekutangira. Zvino purojekiti iyi ichatibatsira
    kwazvo," vakadaro Madzibaba Pauro.
    Mumwe wevanamati akati chokwadi mukando unobatsira sezvo masangano
    mazhinji kwazvo asina maFuneral Policies.
    "Marenje akawanda zvikuru anosvika pakunyara kana vashaikirwa nemutendi sezvo
    dzimwe nguva panenge pasina kana chekubata. Saka mukando uchatibatsira mberi
    kwatiri kuenda uko. Dzimwe nguva tinotonyara kunoona murwere kuzvipatara nekuti
    tinenge tisina kana chii zvacho chekupa murwere,"vakadaro Madzibaba Krebby.
    Madzimai Manastage vakatiwo pfungwa yebhizimusi yakanakira kuti mari ichagara
    iripo sezvo ichange ichitenderedzwa.Vakati zvekare uyo achashanda muchitoro ichi
    anofanira kusarudzwa nemuporofita sezvo zvinenge zvichionekwa nemweya
    mutsvene kuti anokodzera ndeupi, asi mutengesi wacho anobva musangano
    ravomo.

    Latest articles

    African, European Business Leaders Urge Stronger Partnerships to Drive Shared Growth

    Harare, (New Ziana) — Governments and institutions from Africa and Europe have been urged...

    ZimRights urges more focus on digital violence against women

    Harare, (New Ziana) – Zimbabwe on Tuesday joined the rest of the world in...

    Simba Bhora dominate soccer stars’ calendar

    THE Castle Lager Premier Soccer League's 2025 Best XI was dominated by 2024 champions...

    Masvingo records 5000 drug abuse cases

    Antony Chawagarira BIKITA -- The fight against drug and substance abuse is intensifying across Masvingo...

    More like this

    African, European Business Leaders Urge Stronger Partnerships to Drive Shared Growth

    Harare, (New Ziana) — Governments and institutions from Africa and Europe have been urged...

    ZimRights urges more focus on digital violence against women

    Harare, (New Ziana) – Zimbabwe on Tuesday joined the rest of the world in...

    Simba Bhora dominate soccer stars’ calendar

    THE Castle Lager Premier Soccer League's 2025 Best XI was dominated by 2024 champions...
    error: Content is protected !!