More
    HomeMasvingo StarVarimi vokurudzirwa kusapisa masango

    Varimi vokurudzirwa kusapisa masango

    Published on

    spot_img

    NaSharon Chimenya

    VARIMI vezvipfuwo vakurudzirwa kusapisa masango kuitira zvipfuwo zvavo, zvichitevera kusanaya zvakanaka kwemvura mwaka uno. Gore rino nzara yakauya nokuda kweEl Nino, iyo yakaita kuti varimi vazhinji varasikirwe nezvirimwa zvavo.

    Vachitaura nevatori venhau, mukuru anoona nezveongororo dzezvipfuwo kubazi rezvekurima, Andrew Chamisa, akati mafuro achiri kuratidzika zvakanaka, asi varimi vachirega zvekupisa masango. “Tirikukurudzira varimi vezvipfuwo, mombe, mbudzi, makwai nemadhongi kuti vachengetedze zvipfuyo zvavo zvisakanganiswa nedambudziko ratakatarisana naro. Chinhu chikuru chatiri kukurudzira ndechokuti vacheke uswa.

    “Mafuro mazhinji achiri kutaridzika zvakanaka saka tiri kukurudzira varimi kuti vakacheka uswa vonokwanisa kupa zvipfuwo. Tinokurudzira varimi kuti vasapisa masango nokuti vakapisa masango uswa hese hunofurwa nemombe hunotsva.”

    Chamisa akakurudzira varimi kuti vashande pamwe nevemadhumeni neveEnvironmental Management Agency (EMA) kugadzira nzira dzekuti vadzivirere moto. Vakati varimi vasarase mashanga avo asi vamachengete kuitira kuzopa mombe dzavo pamwaka urikutevera.

    “Tinokurudzirazve varimi kuti ngavagadzire chikafu vachishandisa mashanga anowanikwa apo vanhu pavanenge vapedza kukohwa. Vakaita yatinoti Urea treatment of stover inobetsera mombe.”

    Latest articles

    African, European Business Leaders Urge Stronger Partnerships to Drive Shared Growth

    Harare, (New Ziana) — Governments and institutions from Africa and Europe have been urged...

    ZimRights urges more focus on digital violence against women

    Harare, (New Ziana) – Zimbabwe on Tuesday joined the rest of the world in...

    Simba Bhora dominate soccer stars’ calendar

    THE Castle Lager Premier Soccer League's 2025 Best XI was dominated by 2024 champions...

    Masvingo records 5000 drug abuse cases

    Antony Chawagarira BIKITA -- The fight against drug and substance abuse is intensifying across Masvingo...

    More like this

    African, European Business Leaders Urge Stronger Partnerships to Drive Shared Growth

    Harare, (New Ziana) — Governments and institutions from Africa and Europe have been urged...

    ZimRights urges more focus on digital violence against women

    Harare, (New Ziana) – Zimbabwe on Tuesday joined the rest of the world in...

    Simba Bhora dominate soccer stars’ calendar

    THE Castle Lager Premier Soccer League's 2025 Best XI was dominated by 2024 champions...
    error: Content is protected !!