Bato riri kutonga reZanu PF raramba kushandiswa kwemhirizhonga kana kumbunyikidzwa
kwekodzero dzavanhu vanoda kunovhota kana avo vanenge vachida kuvhoterwa pasarudzo
dzirikuitika.
Mumatunhu akasiyana siyana kuchange kuine sarudzo dzokutsiva avo vakadzingwa mubata
rinokwikwidza reCitizen Coalition for Change (CCC) naSengezo Tshabangu muvhiki rino negore
rinouya.
Vachitaura kuvatori vanhau muMasvingo Zanu PF National Political Commissar Dr Mike Bimha vakati
musangamo wavo haukurudziri vatsigiri vavo kubvarura maposita evamwe kana kuita mhirizhonga.
“Isu somusangano hatina patakamboudza vatsigiri vedu kuti endai munoita mhirizhonga nekuti
tinoziva kuti hazviite kuti munhu akunde pasarudzo. Ndikanorova vanhu nhasi hazvirivei kuti kana
apinda kunovhota anondivhotera nekuti hakuna munhu anoziva kuti anenge avhotera pai. Vanhu
vedu muno muZimbabwe vanhu vati fundei havasi vanhu vaunganyepera kuti ndoziva zvauchanoita
mukati nokuti vanoziva kuti hakuna unoziva kuti wavhoterai pai.”
“Chinoita kuti ndifungidzire kuti uchandivhotera ndokunge ndataura newe, ndakuudza zvakanakira
Zanu PF, mabasa eZanu PF, kuri kuneda Zanu PF izvozvo ndozvatinofungidzira kuti tikataura nevanhu
vachaenda kunotivhotera kwete kuti vavhundutsirwe, kwete kuti varohwa kana kuvarura maposters
avo.”
Vakati kana vanozviita varikushanda kunze kwemutemo uye kuti mapurisa anofanira kuita basa rava.
“Tinoda kuramba tichikurudzira kuti semusangano hatikurudziri zvachese nyaya yezhowe zhowe,
nyaya yemhirizhonga tinoramba tichitaura semusangano tisangane nevantitsigira tichitaura zvinoita
kuti vauye vati vhotere.”


