More
    HomeMasvingo StarZanu PF yoramba mhirizhonga

    Zanu PF yoramba mhirizhonga

    Published on

    spot_img

    Bato riri kutonga reZanu PF raramba kushandiswa kwemhirizhonga kana kumbunyikidzwa
    kwekodzero dzavanhu vanoda kunovhota kana avo vanenge vachida kuvhoterwa pasarudzo
    dzirikuitika.

    Mumatunhu akasiyana siyana kuchange kuine sarudzo dzokutsiva avo vakadzingwa mubata
    rinokwikwidza reCitizen Coalition for Change (CCC) naSengezo Tshabangu muvhiki rino negore
    rinouya.

    Vachitaura kuvatori vanhau muMasvingo Zanu PF National Political Commissar Dr Mike Bimha vakati
    musangamo wavo haukurudziri vatsigiri vavo kubvarura maposita evamwe kana kuita mhirizhonga.

    “Isu somusangano hatina patakamboudza vatsigiri vedu kuti endai munoita mhirizhonga nekuti
    tinoziva kuti hazviite kuti munhu akunde pasarudzo. Ndikanorova vanhu nhasi hazvirivei kuti kana
    apinda kunovhota anondivhotera nekuti hakuna munhu anoziva kuti anenge avhotera pai. Vanhu
    vedu muno muZimbabwe vanhu vati fundei havasi vanhu vaunganyepera kuti ndoziva zvauchanoita
    mukati nokuti vanoziva kuti hakuna unoziva kuti wavhoterai pai.”

    “Chinoita kuti ndifungidzire kuti uchandivhotera ndokunge ndataura newe, ndakuudza zvakanakira
    Zanu PF, mabasa eZanu PF, kuri kuneda Zanu PF izvozvo ndozvatinofungidzira kuti tikataura nevanhu
    vachaenda kunotivhotera kwete kuti vavhundutsirwe, kwete kuti varohwa kana kuvarura maposters
    avo.”

    Vakati kana vanozviita varikushanda kunze kwemutemo uye kuti mapurisa anofanira kuita basa rava.

    “Tinoda kuramba tichikurudzira kuti semusangano hatikurudziri zvachese nyaya yezhowe zhowe,
    nyaya yemhirizhonga tinoramba tichitaura semusangano tisangane nevantitsigira tichitaura zvinoita
    kuti vauye vati vhotere.”

    Latest articles

    African, European Business Leaders Urge Stronger Partnerships to Drive Shared Growth

    Harare, (New Ziana) — Governments and institutions from Africa and Europe have been urged...

    ZimRights urges more focus on digital violence against women

    Harare, (New Ziana) – Zimbabwe on Tuesday joined the rest of the world in...

    Simba Bhora dominate soccer stars’ calendar

    THE Castle Lager Premier Soccer League's 2025 Best XI was dominated by 2024 champions...

    Masvingo records 5000 drug abuse cases

    Antony Chawagarira BIKITA -- The fight against drug and substance abuse is intensifying across Masvingo...

    More like this

    African, European Business Leaders Urge Stronger Partnerships to Drive Shared Growth

    Harare, (New Ziana) — Governments and institutions from Africa and Europe have been urged...

    ZimRights urges more focus on digital violence against women

    Harare, (New Ziana) – Zimbabwe on Tuesday joined the rest of the world in...

    Simba Bhora dominate soccer stars’ calendar

    THE Castle Lager Premier Soccer League's 2025 Best XI was dominated by 2024 champions...
    error: Content is protected !!