More
    HomeChaminukaGasa anosimudzira runyararo nenziyo dzake

    Gasa anosimudzira runyararo nenziyo dzake

    Published on

    spot_img

    NaGarikai Chikuvira

    Muimbi ane mukurumbira uye gamba reHondo Yokusununguka, Dr. Webster Gasa, azivisa hurongwa hwekuburitsa albham nyowani yakamirirwa zvikuru muna Mbudzi.

    Albham iyi ine nziyo mbiri dzine mashoko ane simba anokurudzira runyararo pamwe nekuremekedza — “Peace Peace” ne “Makomborero.”
    Mune hurukuro ichangoburwa, Dr. Gasa akapa ruzivo rwakadzama pamusoro pezvakamutungamira kugadzi-ra nziyo idzi uye madingindira adzo.
    Akatsanangura kuti rwiyo “Peace Peace” inyaya ine hudzamu yakatarisana nekusimudzira runyararo pasi rose. Rwiyo urwu runokurudzira nyika yose kuti itend-euke kubva munzira yehondo, uye itange kukoshesa rugare, kubatana, uye budiriro yevanhu.

    “Kutenga zvombo uye kushandisa mari pakugadzirira hondo kunoparadza zviwanikwa zvinofanirwa kunge zvichishandiswa kugadzirisa matambudziko evanhu,” Dr. Gasa akatsanangura.

    “Tinofanira kusiya kushandiswa kwezvombo zvenyu-kireya. Izvi ndizvo zvichatibatsira kuwana rugare rwechokwadi munyika yose. Hatifanirwe kuenderera mberi tichigadzira kana kutenga zvombo zvinouraya.”

    Akaenderera mberi achitaura pamusoro pemigumisiro yehondo, achiti: “Hondo inongounza kuparadzwa, kurasikirwa kwehupenyu, uye kumiswa kwebudiriro. Pasi rose rinofanira kubatana kudzima kuzvifunga, kusavengana, uye kusawirirana.”

    Dr. Gasa akazopawo tsananguro yakadzama pamusoro perwiyo rwechipiri “Makomborero,” runotarisa kuko-sha kwekuremekedza vabereki pamwe nekusimbaradza hukama hwemhuri. Akati nziyo iyi inobva pachidzidzo chakadzama chekutenda pamwe nehunhu hwevatema.

    “Tose tinobva kuvabereki vedu. Mwari akaisa chinzvimbo chevabereki semusoro wemhuri, uye kutanga kwehupenyu hwedu. Kuremekedza vabereki chinhu chakakosha uye chinofadza Mwari,” Dr. Gasa akatsanangura.

    Akatsigira mashoko ake neBhaibheri, achireva murairo unoti: “Kudza baba vako namai vako, kuti mazuva ako awande panyika.”
    Akawedzera achiti: “Mwari ndiye Baba naamai vedu vakasika Adhamu naEvha. Izvi zvinoratidza kuti cheni yevabereki yakakosha uye inofanirwa kuremekedzwa nekurumbidzwa.”

    Dr. Gasa anovimba kuti mashoko ari munziyo idzi ach-abatsira mukuvaka nyika ine rugare, rudo, uye unhu.
    Nziyo dzake dzichatanga kuridzwa panhepfenyuro uye pasocial media munguva pfupi iri kutevera.

    Latest articles

    African, European Business Leaders Urge Stronger Partnerships to Drive Shared Growth

    Harare, (New Ziana) — Governments and institutions from Africa and Europe have been urged...

    ZimRights urges more focus on digital violence against women

    Harare, (New Ziana) – Zimbabwe on Tuesday joined the rest of the world in...

    Simba Bhora dominate soccer stars’ calendar

    THE Castle Lager Premier Soccer League's 2025 Best XI was dominated by 2024 champions...

    Masvingo records 5000 drug abuse cases

    Antony Chawagarira BIKITA -- The fight against drug and substance abuse is intensifying across Masvingo...

    More like this

    African, European Business Leaders Urge Stronger Partnerships to Drive Shared Growth

    Harare, (New Ziana) — Governments and institutions from Africa and Europe have been urged...

    ZimRights urges more focus on digital violence against women

    Harare, (New Ziana) – Zimbabwe on Tuesday joined the rest of the world in...

    Simba Bhora dominate soccer stars’ calendar

    THE Castle Lager Premier Soccer League's 2025 Best XI was dominated by 2024 champions...
    error: Content is protected !!