LOADING

Type to search

Chaminuka Provincial Newspapers

Murume wekuMudzi osungirwa kuponda

Share

NeMunyori WeChaminuka

MARONDERA- Munguva pfupi ichangodarika, mapurisa emuMashonaland East akasunga mumwe murume anobva kuMudzi, uye aine makore makumi maviri nematanhatu ekuberekwa, nemhosva yekuponda Shame Jongwe (ane amkore makore manumit mana nemaviri) mushure mekunge vaviri ava vakakavadzana.

Mukunyorwa kwenyaya ino, Roney Ndlovhu wemubhuku raSabhuku Chimango mudunhu raMambo Chikwizo aive mumaoko memapurisa achibatsiridza mukuferefetwa kwenyaya iyi zvichitevera rufu rwaJongwe aibva kuTekete Village 3 mudunhu rimwechete.

Sekumhan’arwa kwazvakaitwa, nemusi wa11 Chikumi nguva dzonanavira kupakati kwehusiku, mushakabvu Jongwe naNdhlovu vaive mune chimwe chitoro apo kukavadzana kwakatanga pakati pavo.

Gakava ravo raibva pakuti musungwa aipomera mushakabvu mhosva yekukonzeresa kusungwa kwake pakutanga kwegore rino nenyaya yekuba. Mutauriri wemapurisa muMashonaland East, Inspector Simon Chazovachiyi vakatsinhira nezvechiitiko chinosuruvadza zvikuru ichi.

Vakati: “Mashoko atakatambira anodudzira kuti mukukakavadzana kwavaiita, Ndlovhu aipomera Jongwe mhaka yekuti aive nechekuita panyaya yekusungwa kwaainge amboitwa muna Ndira gore rino. Vaviri ava vakazosvika pakurwisana uye nyakupomerwa mhosva anonzi akaburitsa banga ndokubaya mushakabvu pachipfuva.

“Mushure mekubaiwa, mushakabvu akadonhera pasi akarasikirwa neropa zhinji uyuwo mupari wemhosva achibva anyangarika kubva panzvimbo iyi akananga kunharaunda yaSabhuku Tekeshe uko akazvikobira amai vake, Prisca Ndhlovu (vane makore makumi mana nemana) mari inosvika kumadhora makumi matatu nematanhatu ekuUnited States of America (US$36). Paakabira amai vake, ainge achivatyisidzira nebanga rimwe chete raainge amboshandisa pakubaya mushakabvu Jongwe.” Inspector Chazovachiyi vakaenderera mberi vachiti mushure mekunge abira amai vake mari nechisimba, nyakupomerwa mhosva akabva aenda kwaisazivikanwa.

Nezuva rakatevera, mumwe mugari wemunharaunda iyi, Mavis Muperuka (ane makore makumi matatu nematanhatu) uyo ainge aona zvose izvi zvichiitika akaenda kunomhan’ara nyaya iyi kumapurisa epaMakosa ayo akazoenda panzvimbo yazvainge zvaitikira. Mapurisa akawana mushakabvu akarara mudhamu reropa uye aine chironda chekubaiwa pachipfuva chake.

Mutumbi wemushakabvu wakazotakurwa ndokuendeswa kuchipatara cheMurehwa District Hospital kuti chigozoongororwa chainge zvionekwe kuti chii chakakonzeresa kuti afuge rake ega. Hapana kuzotora nguva yakareba Ndlovhu asati asungwa sezvo mapurisa akaziviswa paine nguva akatora matanho aikodzera mukuronda nyakupomerwa mhosva uyu.

Inspector Chazovachiyi vakatenda veruzhinji mukubatsira kwavakaita kuti Ndlovhu asaende kure asati abatwa mushure mekunge apara mhosva iyi.

Nerimwe divi, tinokurudzira veruzhinji kuti vakurumidze kumhan’ara mhosva dzose dzinenge dzaparwa nekuchimbidza sezvo zvichibatsira kuti mapurisa atore matanho akakodzera kana kuita tsvakurudzo dzavo paine nguva. Ndinodazve kungoti kana vanhu vatadza kunzwanana, ngavatsvage vayananisi kwete kurwisana sezvo kuita uku kuine njodzi huru,” vakaederera mberi vachidaro.

vulkan vegas, vulkan casino, vulkan vegas casino, vulkan vegas login, vulkan vegas deutschland, vulkan vegas bonus code, vulkan vegas promo code, vulkan vegas österreich, vulkan vegas erfahrung, vulkan vegas bonus code 50 freispiele, 1win, 1 win, 1win az, 1win giriş, 1win aviator, 1 win az, 1win azerbaycan, 1win yukle, pin up, pinup, pin up casino, pin-up, pinup az, pin-up casino giriş, pin-up casino, pin-up kazino, pin up azerbaycan, pin up az, mostbet, mostbet uz, mostbet skachat, mostbet apk, mostbet uz kirish, mostbet online, mostbet casino, mostbet o'ynash, mostbet uz online, most bet, mostbet, mostbet az, mostbet giriş, mostbet yukle, mostbet indir, mostbet aviator, mostbet casino, mostbet azerbaycan, mostbet yükle, mostbet qeydiyyat