More
    HomeChaminukaOpomerwa kuuraira munhu hwahwa

    Opomerwa kuuraira munhu hwahwa

    Published on

    spot_img

    NaFelix Mwatutsa

    MARONDERA- Mumwe murume ane makore makumi maviri nemashanu ekuberekwa anonzi Tinashe Mbambe anobva mudunhu raSabhuku Masvosve munyika yaMambo Chinamhora muGoromonzi akasungwa uye ari kutarisirwa kumiswa pamberi pematare edzimhosva nemhosva yekurova nekuuraya Simbarashe Bhegedhe mushure mekunge vakakavadzana nekuda kwenyaya yedoro.

    Mutevedzeri wemutauriri emapurisa muMashonaland East, Assistant Inspector Misheck Denhere vakatsinhiri chiitiko chinosuwisa zvikuru ichi, vakapa kurudziro yekuti vanhu vapote vachiedza nepavanogona napo pose kuyananisana mune zvakanaka pasina kurwisana pose pavanenge vatadzirana.

    “Ndinoda kutsinhira kuti zvedi takatambira nyaya iyi mushure mekunge yamhan’arwa kwatiri uye mupari wemhosva akatosungwa. Tinotarisira kuti achazenge achimiswa pamberi pedare mukati memazuva mashoma ari kutevera,” Assistant Inspector Denhere vakadaro.

    Mukubuda kwakaita nyaya iyi, zvinonzi izvo nemusi wa16 mumwedzi uno panguva dzenomwe kumanheru, mushakabvu Bhegedhe akaenda kubhawa rinonzi Ruso riri paRunhanga Business Centre kuDomboshava nechinangwa chekuti agozotonhodza pahuro nedoro. Paakaenda kubhawa apa, aive neshamwari yake inonzi Norman Kumamba anobva mudunhu raSabhuku Mungwariri.

    Mushure memaawa mashoma, Mbambe anova nyakupomerwa mhosva yekuponda, akasvikawo mubhawa iri ndokuenderera mberi vachinwa doro vose. Zvinonzi dambudziko rakazouya panguva iyo mushakabvu akada kunwa doro remupomerwi wemhaka.

    Izvi zvakaita kuti pave nekukakavadzana, pave pashure, Mbambe akarova Bhegedhe nembama yakaita kuti awire pasi zvine mutsindo ndokurovera nemusoro achibva angoti rezu.

    “Vamwewo vanhu vaive mubhawa umu vakaita chipatapata kumudira mvura nekumupepa vachifungidzira kuti aizobengenuka asi zvose zvavakaita panguva iyi zvakakone n’anga murapwa achida. Vakazomutakura vachimuendesa kuchipatara cheMakumbe uko akasvika afuga rake ega. Pazuva rakatevera, hanzvadzi yemushakabvu inonzi Paulene yakamhan’ara nyaya iyi kumapurisa, Mbambe akasungwa,” Assistant Inspector Denhere vakaenderera mberi vachidaro.

    Vakazopawo kurudziro yekuti kana vanhu vachinge vanetsana, ngavatsvage muyananisi anovagadzirisa nekuti vakatora nzira yekugoverana zvimbokoma, zvinoguma zvaunza dzerevende rakaita sekufa kwemunhu kana vanhu sezvakaitika kuGoromonzi izvi.

    New Ziana

    Latest articles

    Media Must Expose Healthcare Failures to Protect Citizens — CIMAS CEO

    CIMAS chief executive officer Vulindlela Ndlovu has urged the media to continue playing its...

    Daughters of Virtue to host long awaited Thanks Giving Camp

    Staff Writer Daughters of Virtue (DOV) from Wednesday November 26 to Saturday 29...

    President Mnangagwa hails General Sibanda’s 51 years of service as ZDF leadership changes hands

    Harare, (New Ziana) — President Emmerson Mnangagwa on Monday presided over the handover and...

    Fake Medicines Killing 100k People in Africa Annually-COMESA

    Bulawayo, (New Ziana)-The Common Market for Eastern and Southern Africa (COMESA) has warned that...

    More like this

    Media Must Expose Healthcare Failures to Protect Citizens — CIMAS CEO

    CIMAS chief executive officer Vulindlela Ndlovu has urged the media to continue playing its...

    Daughters of Virtue to host long awaited Thanks Giving Camp

    Staff Writer Daughters of Virtue (DOV) from Wednesday November 26 to Saturday 29...

    President Mnangagwa hails General Sibanda’s 51 years of service as ZDF leadership changes hands

    Harare, (New Ziana) — President Emmerson Mnangagwa on Monday presided over the handover and...
    error: Content is protected !!