More
    HomeChaminukaVabereki vobata shaya vana vadzokera kuchikoro

    Vabereki vobata shaya vana vadzokera kuchikoro

    Published on

    spot_img

    NaHilda Tanga

    MARONDERA– Nguva yekuvhurwa kwezvikoro patemu yechipiri kwakasvika kukadarika svondo rakapera asi kuvabereki vazhinji vanoti vari kuramba vachisangana nemadzudzo akasiyana-siyana mukuedza kuti zvinhu zvavo zvinge zvibatana.

    Dzvinyiriro yekusakwanirwa nemari, kushaiwa hope mukuzama kuronga kuti zvinhu zvinge zvichiti tsveketu uye shuviro yekuva nechokwadi chekuti vana vavo vagadzikana mumiitiro yavo mitsva. Nekuda kwekuomerwa kwakaita, mimwe misha inoguma yaparara.

    Bepanhau rino rakaita hurukuro nevabereki vane chitsamha avo vakati kunyangwe zvazvo zvinhu zvisiri kunyatsovafambira mukurarama, vacharamba vakatsunga sezvo shuviro dzavo dziri dzekuvaka remangwana revana vavo.

    Mumwe mudzimai wechidiki anonzi Natalie Ncube akati: “Pari zvino ndave kunzwa kakurerukirwa zvishoma asi panga pakaipa. Pakudzokera kuchikoro kwevana, pane zvinhu zvizhinji zvinenge zvichidiwa zvinosanganisira mari yechikoro, mabhuku, zvinyoreso uyewo nhumbi dzinodziya panguva iyo takatarisana nemwaka wechando.

    “Kunyangwe zvazvo zvinhu zvainge zvisina kundimirira zvakanaka, ndakatseketudza kuti vangu vaviri vange vachidzokera kuchikoro sezvo ndichiziva kuti zvichida rimwe remakore, vachazenge vachizondichengetawo.”

    Vamwe vabereki vatakataura navo vakati vari kuedza nepavanokwanisa kuita kana kutenga zvinhu zvinoendererana nehomwe dzavo.

    “Kurudziro yandingape vamwe vabereki vane vana vari kuenda kuchikoro seni ndeyekuti vanofanirwa kuita hurongwa hunoenderana nehomwe dzavo mukurarama. Ngatiendesei vana vedu kuzvikoro zvatinokwanisa kunge tichibhadhara sezvo kuda kuzama kukopera zvinoita vamwe zvichigona kutiisa muzvikwereti kana mamwewo matambudziko atisingazokwanise kunge tichipunyuka kubva maari.

    “Ndinotenda Mwari nekuti ndakakwanisa kunge ndichibhadharira vana vangu vangu yechikoro, kungangwezvo ndakasara homwe dzangu dzabooka,” akadaro Katherine Mosike uyo ane vana vatatu uye achigara mudhorobha reMarondera.

    “Mari yechikoro yandisiya ndaomerwa. Handisisina yekutenga zvimwewo zvikwanisiro zvekushandisa mumba asi ndichashingaira kuitsvaga,” Mosike akaenderera mberi achidaro.

    Kune vabereki vakawanda, nguva yekudzokera kuchikoro inguva inoshungurudza, yakazadzwa nefunganyo, mitoro yebasa, uye kuona kuti vana vavo vakanyatsogadzirira patemu yekupendera gore. Nekudaro, nenyonganyonga yekutanga ichipera, vabereki vanogona ikozvino kutarisa pakutsigira zvidzidzo zvevana vavo uye zvekunze kwechikoro.

    Mumwe mudzimai wechidiki, Rutendo Moyo akati: “Iko zvino, ndinogona kuisa pfungwa dzangu pamwechete mukuzama kubatsira vana vangu nezvidzidzo zvekumba uye kuona kuti vagadzikana mumagwaro avari kudziidza vari.”

    Kuvhurwa kwezvikoro mutemu yechipiri kwakatanga musi wa13 Chivabvu.

    Bandiko reZimbabwe Schools Examinations Council (ZIMSEC) rakazivisa nezvemukana wekuti vadiidzi vange vachinyoresa kuitira kuti vazokwanisa kunyora bvunzo dzavo dzemagwaro echina neretanhatu mumwedzi waMbudzi. Kunyoresa mubvunzo idzi kwakatanga musi wa31 Kurume uye kwakaganhurwa musi wa16 svondo rakapera.

    Latest articles

    African, European Business Leaders Urge Stronger Partnerships to Drive Shared Growth

    Harare, (New Ziana) — Governments and institutions from Africa and Europe have been urged...

    ZimRights urges more focus on digital violence against women

    Harare, (New Ziana) – Zimbabwe on Tuesday joined the rest of the world in...

    Simba Bhora dominate soccer stars’ calendar

    THE Castle Lager Premier Soccer League's 2025 Best XI was dominated by 2024 champions...

    Masvingo records 5000 drug abuse cases

    Antony Chawagarira BIKITA -- The fight against drug and substance abuse is intensifying across Masvingo...

    More like this

    African, European Business Leaders Urge Stronger Partnerships to Drive Shared Growth

    Harare, (New Ziana) — Governments and institutions from Africa and Europe have been urged...

    ZimRights urges more focus on digital violence against women

    Harare, (New Ziana) – Zimbabwe on Tuesday joined the rest of the world in...

    Simba Bhora dominate soccer stars’ calendar

    THE Castle Lager Premier Soccer League's 2025 Best XI was dominated by 2024 champions...
    error: Content is protected !!