MUTARE-Vaviri vanofungidzirwa kuti makororo emombe vasungwa kwaInyati, kwaRusape
vachipomerwa mhosva yekuda kuba mombe dzevagari vemumusha wavasingazivi.
VaTongogara Mandaza (43) naTonderai Chiringa (22) vave kubatsira mapurisa kuferefeta nyaya iyi.
Mutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland, Inspector Nobert Muzondo, vanoti vagari vemumusha
weChinhenga 7 B vakauya nevarume vaviri vange vatongwa nemhomho mushure mekunge vakundikana
kutsanangudza zvinogutsa kushanya kwavo munzvimbo iyi.
“Varume vatatu vanoti Tongogara Mandaza, Tonderai Chiringa naLovemore Matsika vakatyaira motokari
yerudzi rweToyota baby quantum ye silver kubva kwaMutoko vachienda kwaChinheng. Kuma5 manheru
vatatu ava vakanosvika pamusha we7B Chinhenga ndokumisa motokari yavo munzvimbo ine masango
zvakauunza kunyumwa kuvagari wemumusha umu," vakadaro.
Vanhu vemuraini vakambotarisa mota iyi kwemaawa akawanda kusvika vaenda kumota iyi vobvunza
Chiringa zvavaida kuita.
Chiringa akatadza kupembedza kushanya kwavo uye paakanga achibvunzurudzwa vamwe vake vaviri
vakasvika panzvimbo iyi.
VaMandaza naMatsika vakabvunzurudzwa zvakafanana nevagari venzvimbo iyi asi vakatadza zvakare
kutsanangudza kushanya kwavo uye sarudzo yavo yekupaka.
“Vagari vemumusha uyu vakaenderera mberi nekusecha motokari iyi vakawana tambo mbiri dzairema
mamita maviri imwe neimwe, mapanga mana ekugadzira pamba, simbi yemakumbo nechekudhonzesa.
Zvakaonekwa izvi hazvina kumira zvakanaka kuvagari vemusha vakazorova Mandaza naTongogara apo
Chiringa akatiza,” vanodaro Insp Muzondo.
Vaviri ava vakaendeswa kumapurisa ekuChinhenga ayo akazopinda mudare redzimhosva.
Mapurisa asvika panzvimbo yakamiswa motokari, mapurisa akawana motokari iyi yakapiswa nemhondi
dzisingazivikanwe.
VaMandaza naVaMatsika vakaendeswa kuchipatara cheRusape General Hospital vachipomerwa mhosva
yekuva nemidziyo yekupara mhosva.